Accessibility links

Breaking News

Bhavhadhe raVaMugabe Roshaisa Vanhu Mufaro kuMasvingo


Ongororo yaitwa ne Studio7 yaratidza kuti vagari vekuMasvingo havana mufaro wakanyanya nepamusana pekurwisana kuri kuitika muZanu PF.

Makare kare kare panguva ino dunhu reMasvingo ringadai rizere bemufaro mukuru vanhu vachitarisira kupemberera bhavhadhe remutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Asi izvi handizvo zviri kuitika mudunhu reMasvingo iro richange richiitirwa bhavhadhe raVaMugabe svondo rinouya ku Masvingo e Great Zimbabwe.

Ongororo yaitwa ne Studio7 yaratidza kuti vagari vekuMasvingo havana mufaro wakanyanya nepamusana pekurwisana kuri kuitika muZanu PF.

Kunetsana uku kuri kunzi kuri kukanganisa gadziriro rebhavhadhe iri zvichitevera kumbomiswa basa kwakaitwa sachigaro we Zanu PF muMusvingo, VaEzra Chadzamira, avo vari kuzviramba nekutsigirwa nevamwe vavo mu Masvingo.

VaChadzamira, avo vanotungamirira chikwata chiri kugadzirira bhavadhe iri, vakambomiswa basa mubato na Political Commissar we Zanu PF, VaSaviour Kasukuwere, vachipomerwa mhosva dzisina tsarukano.

Asi vanoziva zviri kuitika vanoti VaChadzamira vari kufira nyaya yekusatsigira mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe.

VaChadzamira nehutungamiri hweMasvingo vanonzi vanotsigira mutevedzeri wemutungamirir wenyika, VaEmerson Munangagwa, avo vari kunzi vari kunetsana na Amai Mugabe muhondo yekuwana munhu achatsiva VaMugabe kana vabva pachigaro.

VaChadzamira vanoti gadziriro dzemabiko aya, ayo achada mari inosvika zviuru mazana masere zvemadhora, dzava pachidanho chepamusoro soro.

VaChadzamira vanoti kunyange kune zvivhiringidzo zviri kuitika kuMasvingo, vakakwanisa kuunganidza mari inosvika zviuru makumi matatu nezvishanu zvemadhora.

Vanoongorora vanoti mari yakataurwa na Chadzamira ishona zvichikonzerwa ne kurwisana uko kurikuita kuti vamwe vasade kubvisa mari iyi.

Mumwe mutsigira we Zanu PF wechidiki aramba kudomwa zita rake anoti gore rino mufaro mushoma nenyaya yemvonga mupopoto iri mubato, uye nzara .

Vamwe vagari vanoti havana kana hasa nebhavhadhi iri uye nguva yekufarira zuva iri nekuti vakaomerwa neupenyu nokudaro vari kutoshingirira kuita mabasa avo kuti vararamise mhuri dzavo munguva yenzara yakadai.

Mudunhu iri hamuna zvakawanda zviri kuitwa kugadzirisa migwagwa yakapoteredza Masvingo uye inosvika ku Masvingo e Great Zimbabwe sezvinochiitwa nguva dzose munzvimbo inenge ichiitirwa mabiko aVaMugabe.

Mapurisa nemasoja haasati atumwa kunochengetedza nzvimbo ichaitirwa mabiko aya.

Kunyange hazvo VaMugabe vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri musi weSvondo, Kukadzi 21, 2016, mhemberero dzavo dziri kuitwa svondo rinouya.

Vachitaura pamusangano wavakaita kuMasvingo svondo rapera, mutungamiri weMD, Va Morgan Tsvangirai, vakakurudzira vanhu kuti vaende kunovhiringidza mabiko aya senzira yekuratidza kutsutsumwa kwawo sezvo vanhu vari kufa nenzara munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG