Accessibility links

Breaking News

Mtukudzi Osvitsa Makore Makumi Matanhatu eKuberekwa neChishanu


Oliver Mtukudzi
Oliver Mtukudzi
Muimbi wemuZimbabwe ane mukurumbira pasi rose, Oliver Mtukudzi, ari kusvitsa makore makumi matanhatu neChishanu apo ari kuitirwa mabiko munhandare yeGlamis muHarare.

Mtukudzi achabva kumba kwake kuNorton akatakurwa nechikopokopo kusvika muHarare umo acharidza mimhanzi nevamwe vemuZimbabwe nevari kubvawo kunze kwenyika mukupemberera kusvitsa kwake makore makumi matanhatu ekuberekwa.

Mtukudzi achashanyirawo nzvimbo dzese dzemuHarare dzinosanganisira dzinogara veruzhinji nekunogara mbozha ari muchikopokopo. Mumwe weavo vari kuronga mhemberero dza Mtukudzi, VaJosh Hozheri, vanoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka chose.

Mtukudzi anoti veruzhinji vanofanirwa kuuya vakagadzirira kumadira tivhange achange aripo, sezvo achange ari kwenguva yakareba achiimba nzimbo nevamwe vake.

Sekutaura kwaVaHozheri, vacharidza pamhemberero idzi vanosanganisirawo muimbi ane mukurumbira munyika, Alick Macheso, nevamwe.

Kunyange hake asvika makore makumi matanhatu, Mtukudzi anoti achiri nenguva refu kwazvo achiridzira veruzhinji sezvo achaburitsa mamwe madambarefu.

Pari zvino, Mtukudzi ane madambarefu anosvika iwo makumi matanhatu uyezve ari kutora nguva yemhembero iyi kubuditsa damba refu rake idzva rinodaidzwa iro kuti Sarawega. VaHozheri vanoti Mtukudzi anofanira kupihwa rukudzo mushure mekusimudzira mureza weZimbabwe pasi rose.

Mtukudzi akatanga kuimba mugore ra 1977 apo akabatana nechikwata cheWagon Wheels icho chaivawo nemuimbi Thomas Mapfumo uyo ane mukurumbira zvekare munyaya dzemimhanzi muZimbabwe nekunze kwenyika.

Vakabuditsa Dzandimomotera, iyo yakatengwa zvikuru. Mushure mezvo, Mtukudzi akazobuditsa dambarefu rake rekutanga, Ndipeiwo Zano, iro rakatengwa zvikuru mugore ra 1978.

Mutukudzi, uyo anofarirwa zvikuru muAfrica, anoimba achisanganisa zviwanikwa zvemimhanzi kubva mumarudzi akasiyana siyana muZimbabwe.

Asi mimhanzi yake, iyo inoshevedzwa neruzhinji kuti Tuku Music, ine kamusiyano nemimhanzi yevaimbi vakawanda muZimbabwe avo vanoda kuita mbiri nekutevedzera zviri kuimbwa nevamwe.

Muimbi uyu akaroora, uye ane vana vashanu nevazukuru vaviri.
Mwanakomana wake, Sam, uyo aizivikanwawo zvekare munyaya dzemimhanzi, akashaya muna 2010 mutsaona yemotokari.

Mwanasikana wake, Selmor, ane mukurumbira wakewo munyaya dzemimhanzi akazvimirira ega.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG