Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Oshora VaMphoko


VaPhelekezela-Mphoko
VaPhelekezela-Mphoko

Mamwe emapato anopikisa hurumende yeZanu PF anoti haasi kufara nekukanganisa mashandiro emapurisa kunonzi kuri kuitwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, avo vanonzi vakafurufusha mapurisa pakamba yeBulawayo Central nezuro vachida kuti dzimwe nhengo dzeZanu PF dzakasungwa dziburitswe muhusungwa zvichitevera mhirizhonga yakaita mubato reZanu PF kuBulawayo kwakare pakupera nemusi weSvondo.

Bepanhau reNewsday raburitsa mashoko ekuti VaMphoko vakasvika pakamba yeBulawayo Central apo pakachengetedzwa nhengo dzebato reZanu PF dzakasungwa mushure memhirizhonga inonzi yakaitika nemusi weSvondo pamahofisi ebato iri paDavis Hall muBulawayo makare.

Zvinonzi nhengo dzeZanu PF dzakasungwa idzi dziri kuchikwata cheGeneration 40 icho chiri kukwikwidzana necheTeam Lacoste pamujawu wekuzotora matomhu kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kana vachinge vabva pachigaro.

Mhirizhonga yakaitika iyi inonzi yakasiya vanhu vaviri vakuvara zvakaipisisa uye inonzi yakakonzerwa nemakakatanwa ari muZanu PF panyaya yekuda kubvisa murongi wemisangano mubato iri, VaSaviour Kasukuwere, kuri kuitwa nevamwe vari mubato iri.

VaKasukuwere vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekubvisa VaMugabe pachigaro asi vari kuramba mhosva iyi vachiti vakarembera pabhachi raVaMugabe.

VaMphoko vanonzi vakasvika pakamba yemapurisa yeBulawayo Central ndokufurufusha mukuru wemapurisa pakamba iyi vachida kuti vanhu ava vasunungurwe.

Zvakaitwa naVaMphoko izvi zvashorwa neMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai. Munyori anowona nezvinoitika mukati menyika muMDC-T, Amai Lilian Timveos, vati zvakaitwa naVaMphoko izvi zvinoita kuti mapurisa asaite basa rawo akasununguka.

Zvataurwa naAmai Timveos zvatsinhirwa naVaGift Nyandoro vanove mutauriri wevakafanobata chigaro chemutungamiri webato reNational People’s Party, Amai Joice Mujuru.

VaNyandoro vati zvakaitwa naVaMphoko zvinotyora bumbiro remitemo yenyika iro rinoti mapazi ehurumende anofanira kushanda pasina kupindira kwehutungamiri hwenyika.

Zvichakadai, Amai Timveos vati sebato, MDC-T ichakwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva pamwe nekudare reparamende.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaSydney Chisi, vanoti zvave pachena kuti hutungamiri hweZanu PF hauzofe hwakatevedzera mitemo yenyika uye mitemo iyi haizoshandiswa zvakaenzana pakati pevari muZanu PF nemapato anopikisa.

Aka hakasi kekutanga kuti VaMphoko vaende kumapurisa vachida kuburitsa vasungwa.

Gore rapera, VaMphoko vakaenda kukamba yeAvondale muHarare kwavanonzi vakaburitsisa vakuru-vakuru vekambani yehurumende inowona nezvemigwagwa ye Zimbabwe National Road Authority, kana kuti Zinara, avo vakange vasungiswa nekomisheni inorwisana nehuori yeZimbabwe Anti Corruption Commission vachipomerwa mhosva yehuori hwemari yaisvika miriyoni imwechete yemadhora.

Nyaya iyi yakazongotsikwa-tsikwa ikapera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMphoko kana kuZanu PF kuti tinzwe divi ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG