Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Mapositori Kunamatira VaMugabe Kuti Vatonge Kusvika Vafa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira mapositori pamwe neruzhinji rwenyika kuti vanamatire mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuitira kuti vatonge nyika kudzamara vafa.

Vachitaura nhasi papurazi rePamene pedyo neChinhoyi, VaMunangagwa vati VaMugabe vachatonga nyika ino kusvikira Mwari avatora kana nguva yavo yakwana.

VaMnangagwa vaudza vanhu vanosvika zviuru zviviri, vazhinji vavo vari nhengo dzekereke yekwaJohanne Marange kuti vanofanirwa kunamatira vatungamiri venyika, zvikuru sei VaMugabe, kuti varambe vachitonga kudzamara vafa.

VaMnangagwa, avo vanga vari munyarikani papurazi remutungamiri wekereke yeJohanne Marange, vati Zanu PF haivhundutsee nezviri kuitwa nemamwe mapato ayo vati ari kungohukura pasina zvavanoita apo VaMugabe vanenge vachingotonga nekutonga.

VaMnangagwa, avo vanga vachiratidza kutubwida nemufaro, vati vanhu vanofanirwa kutevedzera mutemo wenyika kuti munyika muve nerunyararo.

Vachitaura pamusangano uyu, gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vazivisa kuti mutengo wechibage uchange uri madhora mazana matatu nemakumi mapfumbamwe emadhora patani.

VaMade vakurudzira varimi vose kuti vavhure maakaunzi kumabhangi kuti zvive nyore kuti vabhadharwe pavanotengesa zvirimwa zvavo.

Mutauriri weNational People’s Party inotungamirwa naAmai Joice Mujuru, VaJealous Mawarire, vati VaMnangagwa ndivo chipopi chaVaMugabe chinongohukura zvenhando kuti chiwane zvekudya kubva kuna VaMugabe.

VaMawarire vati kuhukura kuri kuita VaMnangagwa kunatsa mukanwa kwechembere iri kurota ichiyamwa. Vati Mnangagwa vachaona chokwadi pavachasvinutswa nesarudzo dzegore rinouya.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti VaMnangagwa vari kuratidza kufara zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nedzimwe nhengo dzeWomen's League dzichishora Amai Eunice Sandi-Moyo pamwe naAmai Sarah Mahoka, avo vanonzi vanotsigira chikwata che Generation40, icho chiri kurwira masimbakuti asatore ne Team Lacoste, iyo inonzi inotsigira VaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG