Accessibility links

Caps United Inoti Inoda Kutevera Tsoka dzeMamelodi Sundowns

  • Michael Kariati

Caps United

Mumusha weCaps United hamusi kudaidzwa anonzwa nemhemberero. Mhemberero iri kuenderera mberi mumusha weCaps United mushure mekunge chikwata ichi chakatora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League kwapera makore gumi nerimwechete vachikundikana.

Muridzi weCaps United VaFarai Jere vanoti vatotanga kutsvaga mari yekutamba mumakundano emuAfrica egore rinouya eCaf Champions League.

VaJere vanoti chinangwa chavo ndechekuita zvakaitwa neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa iyo yakatora mukombe uyu gore rino.

Vatsigiri vechikwata ichi havasi kudaidzwa vachinzwa nemufaro mushure mekutora mukombe wakakosha uyu mumwe wavo VaFadzai Muchichwa vachiti nguva yanga yarebesa vasina kumbofara.

Caps United yakapedza iine mapoinzi makumi matanhatu nematatu, maviri pamusoro peFC Platinum mushure mekurova Chapungu 1-0 mumutambo wavo wekugumisira kuAscot Stadium nemugovera.

Mumwe mutsigiri wechikwata ichi VaMisheck Mwayera vanoti varikufara zvikuru nezvakaitika izvi mushure memakore anodarika gumi vchitatarika

Murairidzi wemaGreen Machina Lloyd Chitembwe anoti nguva yakadai inofadza zvikuru zvekuti ari kufara kuve mumwe wemhuri iri kupemberera kubudirira kwavo.

Chitembwe ndiye aimbova mutambi wekutanga weCaps United kutora mukombe weLigi achirairidza chikwata ichi.

Cricket

Chikwata cheZimbabwe chemaChevrons nemusi weSvondo chakadamburwa neSri Lanka nemawiketsi matanhatu mufainari yeTri-Series iyo yaisanganisirawo West Indies

Chikwata ichi chakanyadzisa zvikuru zvekuti mutambi wavo aive nemaranzi akawanda, Tarisai Musakanda, akakwanisa kukanda makumi matatu nematanhatu chete.

ushure mekushandisa vatambi vavo vese, Zimbabwe yakakwanisa maranzi zana nemakumi matanhatu (160) ayo asina kutorera Sri Lanka nguva kudarika.

Vashanyi veSri Lanka ava vakasvitsa maranzi zana nemakumi matanhatu nemana (164) vakasara vachiri nemawiketsi matanhatu mumaoko.

Izvi zvirikuratidza kuti murairidzi mutsva wemaChevrons, Heath Streak ane mutoro mukuru mukuedza kuvandudza chikwata chake.

XS
SM
MD
LG