Accessibility links

Ndiyani Achasimudza Mukombe weCastle Premeier Soccer League-Caps Kana FC Platinum?

  • Michael Kariati

Caps United

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League ari kusvika kwambvuya yacheka makumbo neMugovera.

Asi mubvunzo mukuru ndewekuti, ndiani achatora mukombe mukuru uyu.

Mubvunzo uyu wakaoma zvikuru uyezve uri kutambudza vanotambidza mukombe kuchikwata chinokunda veDelta Beverages kuti voenda kunhandare ipi nemukombe--kuAscot Stadium kuGweru uko kuri kutamba Caps United neChapungu kana kuLuveve.

Caps United ndiyo iri kutungamira makwikwi aya nemapoinzi maviri pamusoro peFC Platinum asi kukundwa kwavo kana kuita mangange zvichisangana nekukunda kweFC Platinum kunopa Kugona Kunenge Kudada mukombe.

Asi muongorori wezvemutambo wenhabvu VaAlexander Muchabaiwa vanoti Caps United ndiyo ine mukana wakasimba wekutora mukombe uyu sezvo iine mapoinzi maviri pamberi.

Mutsigiri weMakepekepe VaShingirai Miti avo vanogara mumusha weWarren Park muHarare vanoti vachange varikowo kuGweru kunopemberera kutora kwavo mukombe.

Mutambi weFC Platinum, Brian Muzondiwa anoti chishuwo chake chekuti vatore mukombe weligi asi kana zvichinge zvaramba vanoedza zvekare gore rinouya.

Chiri kunyanyonakidza pamitambo miviri iyi ndechekuti chikwata cheChapungu pamwe necheTsholotsho Pirates zviri kudawo kukunda sezvo zviri kurwira kuramba zviri muPremier Soccer League mwaka unouya.

Pari zvino, Tsholotsho Pirates iri pachinhaho chechipiri kubva pasi nemapoinzi makumi maviri namatanhatu uyezve Chapungu iri pachinzvimbo chechina kubva pasi zvekuti havana chivimbo nepavakamira sezvo vasiri kuziva kuti kunobuda zvikwata zvingani kubva muPSL, zviviri kana zvina. Izvi zvinotevera kunetsana kunotyisa pakati peZIFA nePSL kuti panobuda zvikwata zvingani.

Chero zvaitika munhandare, Zimbabwe ine rombo rakanaka kuti vachave nechikwata chinokwanisa kuzvimirira munyaya dzemari mumakundano e 2017 Caf Champions League.

Kunyange ikave Caps United kana FC Platinum.

Mimwe mitambo iriko neMugovera ndeiyi…

Dynamos v Chicken Inn -Rufaro

Border Strikers v ZPC Kariba -Dubulavadzimu

Highlanders v Hwange -Barbourfields

Ngezi Platinum Stars v Mutare City - Baobab

XS
SM
MD
LG