Accessibility links

Breaking News

Ngezi Platinum Yoyambira Makepekepe Kuti Ichaiomesera neSvondo


Caps United
Caps United

Ngezi Platinum Stars yayambira Caps United kuti isapemberere kutora mukombe weligi zvechimbichimbi nekuti munhabvu munhu anofanira kutenda maruva adya chakata.

Zvikwata zviviri izvi zviri kusangana muNational Sports Stadium neSvondo mumutambo unogona kupa Caps United mukombe weligi kana kukanganisa zvese zvaitwa nemaGreen Machine gore rese.

Caps United iri kuda kukunda mumutambo uyu ichitarisirawo kuti FC Platinum inorohwa kana kuita mangenge neHighlanders kuti itore mukombe.

Sachigaro weNgezi Platinum Stars VaJeremiah Getiseni vanoti hazvisi kuzove nyore kuti Caps United itorere mukombe pavari vachiti ivo marovero avakaita Highlanders neFC Platinum ndiwo avari kuzoita maGreen Machine.

VaGetiseni vanoti vakagadzirira zvakasimba mutambo nemaGreen Machine vachiwedzera ivo kuti vari kuenderera mberi kugadzirira kusvikira mutambo uyu wapera.

Pari zvino, Caps United ndiyo iri pamusoro soro nemapoinzi makumi mashanu nemanomwe, maviri pamusoro peFC Platinum, uyezve matatu kudarika Highlanders.

Caps United ikakundwa kana kuita mangange, FC Platinum ikakunda Highlanders, Kugona Kunenge Kudada ndiyo inoenda pamusoro uyezve pedyo nemukombe unokosha $1,2 million.

Asi mutsigiri weCaps United VaShingirai Miti vanoti vari kuona Makepekepe ichikunda Ngezi Platinum Stars vachiti ivo nguva yarebesa vasati vabata mukombe weligi.

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League asarwa nemitambo miviri kuti asvike kwamvura yacheka makumbo.

Mimwe mitambo iriko svondo rino ndeiyi

Mugovera

Mutare City Rovers v Harare City Sakubva

Tsholotsho v Bulawayo City Luveve

ZPC Kariba v How Mine Nyamhunga

Svondo

Triangle v Dynamos Gibbo

Hwange v Chapungu Colliery

Chicken Inn v Border Strikers Luveve

Zvakamira zvakadai, maMighty Warriors neMugovera ari kupinda munhandare yemuYaounde muCameroon kusangana neBanyana Banyaya yekuSouth Africa mumutambo wavo wekutanga mumakwikwi e2016 Africa Women’s Africa Cup of Nations.

Mighty Warriors
Mighty Warriors

Mutambo wekutanga wakakosha zvikuru zvekuti maMighty Warriors anofanira kukunda kunyange hazvo gadziriro yavo yanga isina kumira zvakanaka.

Zvikwata izvi zvakasangana mumutambo wekuedzana masimba masvondo maviri apfuura maMighty Warriors akarohwa 3-0.

Asi murairidzi wechikwata ichi Shadreck Mhlauzi anoti iyi inhoroondo achiti uyu mutambo mutsva uyezve une zvinangwa zvakasiyana.

Kunze kweSouth Africa, maMighty Warriors achatamba zvekare neCameroon pamwe ne Egypt.

Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakundano.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG