Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeCastle Premier Soccer League Yotsvuka Ropa


FC Platinum
FC Platinum

Makundano eCastle Lager Premier Soccer League atsvuka ropa kwasara mitambo mishanu kuti mitambo ipere.

Zvave pachena kuti zvikwata zvitatu zvinoti FC Platinum, Caps United pamwe neHighlanders ndizvo zvasara zvichiri nemukana wekutora mukombe uyu.

FC Platinum yaramba yakabatirira nzvimbo yayo yepamusoro mushure mekurova Dynamos 2-0 muMandava.

Kugona Kunenge Kudada yave nemapoinzi makumi mashanu nerimwechete, rimwechete pamusoro peCaps United iyo yaramba iri pachinhanho chechipiri mushure mekurova How Mine 3-2.

Vatsigiri veCaps United vakapemberera zvikuru mushure mekukunda kwavo.

Asi pakave nekunyunyuta kukuru mushure mekunge Highlanders yapihwa penareti mutambo wave kupera neNgezi Platinum Stars.

Vatambi veNgezi Platinum Stars vakaunganira muridzi wepembe vachiti yaive isiri penareti sezvo bhora risina kubatwa sezvaive zvaonekwa nemubati wepembe zvakapa kuti Highlanders ikunde 2-1.

Kunyange zvakadaro. Highlanders yaramba iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi makumi matatu nemasere..

Mutsigiri wechikwata ichi VaLovemore Majecha vanoti vari kunzwa kufara vachitarisira zvakawanda mwaka uno.

ZPC Kariba yakadarika Dynamos nemapoinzi matatu mushure memangange 0-0 neMutare City Rovers. NeMugovera kwakaitazve mangange pakati zero kwa zero pakati peChapungu neBulawayo City.

Chicken Inn yakaitawo mangange 1-1 neTriangle. Hwange yakatora mapoinzi matatu mushure mekukudambura Border Strikers 2-0.

XS
SM
MD
LG