Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuita Gadziriro Yakasimba Mushure Mekurohwa neGuinea


Chikwata cheZimbabwe chazorohwa kekutanga munzira yekuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations finals.

Chikwata chemaWarriors neSvondo manheru chakarohwa 1-0 neGuinea muSeptember 28 Stadium kanove kekutanga kubvira makundando e 2017 Africa Cup of Nations atanga.

Asi mutambo uyu hauna zvakawanda zvaunoreva kuZimbabwe sezvo yange yatobudirira kuenda kumakwikwi ekugumisira ari kuitirwa kuGabon.

Vanoongorora nhau dzemitambo vanoti vanoti gadziriro yemutambo uyu yange isina kumira zvakanaka zvakapa kuti Zimbabwe ikundwe.

MaWarriors ayo akasvika muConakry musi wemutambo, vangadai vakakunda dai Knowledge Musona asina kutadza mukana akatarisana nemubati wepagedhe muchikamu chekutanga pamwe nekurovera bhora pabango muchikamu chechipiriri.

Asi zvikwata izvi zvakazosiyaniswa nechibodwa chakabva kuna Gui Michel Landel kwapera maminetsi gumi nematatu icho chakapa Guinea mapoinzi matatu.

Kunyange hazvo Guinea yakapinda mumapoinzi masere, Zimbabwe ndiyo irikuenda kumafainari sevo yanga iine mapoinzi gumi nerimwechete mutambo uyu usati watambwa.

MaWarriors akasvika muConakry musi wemutambo mushure mekushaya ndege yekuvatakura kubva muSouth Africa musi weChishanu. Hurumende yakazobhadhara imwe mari yekuti ndege yeAir Zimbabwe itakure vatambi.

Castle Premier Soocer League

Chikwata cheCaps United chasiiwa nepoindi imwechete chete neFC Platinum mushure mekukunda Triangle 2-1 kuGibbo Stadium nezuro.

Zvikwata izvi zvaive zvakasiyana nemapoinzi maviri mitambo yekupera kwesvondo isati yatambwa asi FC Platinum yakaita mangange neZPC Kariba apo maGreen Machine aikunda.

Highlanders yakaramba iri pachinhanho chechitatu mushure mekurova Border Strikers 2-1. Uyu wave mutambo wechipiri wakateverana Bosso ichikunda.

Svondo rino Highlanders irikusangana neDynamos iyo yakarova Chapungu nechibodzwa chakabva kuna Wisdom Mutasa, mwana wemurairudi weDembare, Lloyd.

Lloyd anoti ari kufara nekukunda kwavakaita Chapungu achiwedzera iye kuti anenge achida kuti izvi zvichiitika mazuva ese.

Mutasa anoti vanofanira kugadzirisa nyaya yemikana yavari kuwana vasingashandise kana vachida kupedza vari pazvikwata zvina zvepamusoro.

Murairidzi uyu anoti nyaya yekunwisa zvibodzwa ibasa guru revarairidzi achitarisa kuti kwatambwa mitambo makumi maviri nemaviri hapana kana mutambi asvitsa vibodzwa gumi.

Murairidzi weChapungu John Nyikadzino ari kuchemawo nenyaya imwechetewo nyaya kuti chikwata chake chirikutamba zvakanaka asi zvibodzwa zvirikuramba.

Mimwe mitambo yakapera seizvi….

Harare City 1 Ngezi Platinum 0

How Mine 1 Tsholotsho 2

Bulawayo City 1 Mutare Rovers 0

Kwatambwa mitambo makumi maviri nemiviri, zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi…..

FC Platinum 44 points

Caps United 43 points.

Highlanders 38 points.

ZPC Kariba 35 points.

Zviri pasi pasi ndeizvi….

Hwange 27 points.

Mutare Rovers 18 points.

Tsholotsho 16 points.

Border Strikers 13 points.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG