Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yodzoka kuMaOlympics Ari Maoko Chete


Kirsty Coventry
Kirsty Coventry

Team Zimbabwe irikudzoka kumba isina chayakabata kubva kuma 2016 Olympic Games.

Vamhanyi vatatu vanga vasara vakaremerwa nerwendo mushure mekutadza kupinda kana pavamhanyi gumi vekutanga mumwe wavo akatadza kupedza nzendo yemarathon.

Partson Ndlovu akapedza ari pachinhanho chemakumi mana nemumwe, achiteverwa naCuthbert Nyasango uyo aive pachinzvimbo chemakumi mashanu nemasere. Wirimai Juwao akatadza kupedza mujawo uhu.

Apo Ndlovu ari kudzokera kuAmerica uko anogara, Nyasango naJuwao vakananga kumba kuzosangana nevamwe vatambi gumi vaive kuma Olympics pamwe nemaMighty Warriors avo vakakundikanawo kuwana menduru zvikuru pamwedzi uyo kwaive nemakundano aya.

Kunyange hazvo Kirsty Coventry akasvika mufainari yemakwikwi ake, vamwe vese vakarohwa munharaunda yekutanga zvinoratidza kuti ramangwana remitambo reZimbabwe rine rima.

Zvakamira zvakadai. Shasha yakabuda zvine mutsinde pama Olympic Games ndi Usain Bolt wekuJamaiaca uyo akatora menduru nhatu dzegoridhe mu100 metres, 200 metres pamwe ne 4 x 100 metres.

Aya ave maOlympics matatu akateverana Bolt achitora menduru nhatu pamakundano ega ega. Asi mutinhwini wekuAmerica, Michael Phelps akapinda munhoroondo semutambi akatora menduru dzakawanda mumakwikwi emaOlympics.

Totarisa nyaya dzenhabvu.

Vatsigiri veDynamos vakave nemufaro neSvondo apo chikwata chavo chakatamba zvinodaadza ndokurova Harare City 2-1.

Dembare yaifanira kuve yakabuda nezvibodzwa zvakawandisa dai yakashandisa mikana yavakawana.

Pakapera nhabvu, nyaya dzaitaurwa ndedzematambiro aive aita chikwata kwete kuti murairidzi ngaeende serwange rwave rwiyo mazuva apera.

Murairidzi weDynamos Lloyd Mutasa anoti ari kufara zvikuru nekukunda kwavakaita asi achiwedzera kuti vane mutoro wakaoma kumberi.

Anoti vakomana vake vese vanga vaine shungu dzekuda kukunda ndosaka izvi zvaitika.

Harare City iri kuti svondo rino ikakunda, svondo rinouya yokundwa, izvo zvisikufadza vatsigiri vavo. Asi caputeni wevatambi Arnold Chivheya anoti zvinowanikwa munhabvu achiti iye varikuyedza kuzvigadzirisa.

Kukunda kwakaita Dynamos kwaauya panguva inofadza zviuru apo vavakidzani vavo veCaps United vakarohwa 3-1 neBulawayo City.

Hapana aitarisira kuti izvi zvichaitika asi zvasiya maGreen Machine ave nemapoinzi mashanu pasi peFC Platinum iyo yakafamba zvakanaka kuTriangle uko vakanokunda 2-1.

Highlanders irikuramba ichirohwa asi ikozvino yakadamburwa 1-0 neZPC Kariba kuNyanhunga. Asi Bosso iri kuramba iri pachinhanho chechitatu, poindi imwe chete pamusoro peDynamos.

Mimwe mitambo yakapera seizvi..

Chicken Inn 1 Tsholotsho 0

Mutare City 2 Hwange 1

How Mine 1 Chapungu 1

Borders Striker 2 Ngezi Platinum 0

Kwapera mitambo makumi maviri, zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi..

FC Platinum 42 points

Caps United 37 points

Highlanders 32 points.

Dynamos 31 points.

Zvina zviri pasi pasi ndeizvi….

Hwange 24 points

Mutare City 18 points

Tsholotsho 13 points

Border Strikers 13 points.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG