Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Ichine Mukana weKuwana Menduru kumaOlympics Kubva kuVamhanyi


Rio Olympics Athletics
Rio Olympics Athletics

Zimbabwe ichiri nemukana wekuwana menduru kubva kuma 2016 Olympic Games kunayngwe vakawanda vave kuti zvegore rino zvinenge zvakaona n’anga murapwa achida.

Kuchiri nevamhanyi venzendo refu Wirimai Juwao, Cuthbert Nyasango, naPartson Ndlovu avo varikupinda munzira ye 42 kilometre marathon nesvondo mangwanani.

Makundano e marathon ndiwo anovhara mabiko emaOlympic Games zvekuti vatatu ava vanofanira kushura mare kana kuti vanongobatana neavo vakadzokera kumba kare mushure mekutatarika.

Mugore ra 2012, Juwao akapedza ari pachinhanho chechinomwe, icho chaingove zvinhanho zvina chete kubva pamenduru.

Juwao anoti akagadzirira zvakakwana asi kana pane chingangomukanganisa kunyanyopisa kwemu Rio de Janeriro.

Nyasango akapedza aripa chinhanho chechipfumbamwe kumakwikwi ekuLondon zvekuti anofanira kungowedzera mwando zvishoma pamwe vemuZimbabwe vanga farawo

Ndlovu arikukwikwidza mumaOlympic Games ake ekutanga.

Nhasi mangwanani kuBrazil ainge ari makuwerere chaiwo apo mumhanyi ane mukurumbira pasi rose Usain Bolt wekuJamaica akatora menduru yegoridhe mumakwikwi e 200 meters sezvange zvakatarisirwa.

Toenda munyaya dzenhabvu.

Vanotungamira nhabvu vayambira vachakonzera mhirizhonga mumitambo yekupera kwesvondo rino neichatevera kuti vachasungwa nekumiswa pamberi pematare edzimhosva pamwe nekukandwa kujere.

Munyori mukuru wePremier Soccer League VaKennedy Ndebele vanoti vazivisa zvikwata zvese kuti zvive nemapurisa akakwana kuitira avo vanouya kwete kuzoona nhabvu asi kuzokonzera mhirizhonga kumitambo.

Yambiro iyi yauya mushure memhirizhonga yakaitika svondo rapera pamutambo waive pakati peHighlanders neChicken Inn.

Vatsigiri veHighlanders vakakanda zvinokuvadza munhandare pamwe nekurwisana nemapurisa vachipokana nemabatirwo aiitwa pembe.

VePremier Soccer League vati vachamisa Highlanders pamberi pedare kuti vatsanangudze zvakaitika pamwe nekupihwa mutongo wavo

Vachibva munyaya dzakadai, Highlanders yacho ine mutambo wakaoma mangwana neZPC Kariba kuNyamhunga Stadium.

ZPC Kariba inotamba zvine mutsindo nezvikwata zvine mukurumbira kunyanya kana iri pamusha.

Tichitarisa matambiro ari kuita Highlanders parizvino, zvakaoma kufunga kuti Bosso inonodzoka kana nepoindi imwechete kubva kuKariba.

Chikwata chiri kutungamira makundano aya cheFC Platinum chiri kufamba nzendo pfupi apo chirikuenda kuGibbo Stadium kunotamba neTriangle.

Mazuva ano, Kugona Kunenge Kudada irikuwanza mangange zvekuti vakaita izvi Caps United ikakunda Bulawayo City kuBabourfields Stadium zvinhu pamusoro zvinosanduka.

Asi Muteveri weFC Platinum vaTerence Kuhuni vanoti havasi kutya Triangle sezvo vakatokunda kare vachiti ivo varikuda mukombe uyo wavatsvedza kwemakore maviri apfuura.

Mutsigiri weMakepekepe VaMisheck Chisaga vayambira chikwata chavo kuti chisadherere Bulawayo City sezvo kusisina zvikwata zvidiki munhabvu mazuva ano.

Mumusha weDynamos hamuna mufaro mushure mekunge chikwata ichi chakaita mangange acho echishanu mumitambo mitanhatu.

Murairidzi wechikwata ichi Lloyd Mutasa akaedza kusandura vatambi akambomisa Steven Alimenda, Roderick Mutuma, Charles Muroyiwa, na Denver Mukmba asi zvikakona.

Asi varikuona chikwata ichi chichitamba vakaita samuzvare Judith Nyatsanza vanoti chikwata chavo chingadai chiri kukunda asi havana vanwisi nezvibodzwa.

Dynamos yatarisana nemumwe mutambo wakaoma apo iri kusangana neHarare City iyo inorairidzwa naMoses Chunga uyo akamborairidza nekutambira Dembare.

Mimwe mitambo iriko ndeiyi

Mugovera.

Chicken Inn Vs Tsholotsho FC White City How Mine Vs Chapungu Luveve Stadium

Svondo

Border Strikers Vs Ngezi Platinum Stars Dulivhadzimo Stadium Mutare City Rovers Vs Hwange Sakubva Stadium.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG