Accessibility links

Breaking News

Misa Zimbabwe Inoti Kuwana Ruzivo Handi Nyore muZimbabwe


Vachiparura gwaro yeongororo yakaitwa neMisa-Zimbabwe, nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekubudiswa kwemashoko, VaJames Maridadi, varumbidza gwaro iri vachiti rinogona kubatsira kuti makambani pamwe nemapazi ehurumemde ashandure maitiro avo mukupa veruzhinji ruzivo.

Sangano reMisa-Zimbabwe rinoti hazvisi nyore kuti munhu awane mashoko kana ruzivo muZimbabwe kunyanya pazvino zvinoitika kumapazi ehurumende. Izvi zvabuda muongororo yakaitwa nesangano iri.

Vachiparura gwaro yeongororo yakaitwa neMisa-Zimbabwe, nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekubudiswa kwemashoko, VaJames Maridadi, varumbidza gwaro iri vachiti rinogona kubatsira kuti makambani pamwe nemapazi ehurumemde ashandure maitiro avo mukupa veruzhinji ruzivo.

VaMaridadi vatsanangurawo kuti mutemo weAIPPa wakaipa zvikuru sezvo uchikanganisa kuti vanhu vawane ruzivo vakati vakatoisa chiziviso muparamemde chekuti kuipa kwemutemo uyu kukurukurwe .

Vachitaura neStudio 7 mushure mekuparurwa kweongororo iyi, chipangamazano munyaya dzemitemo muMisa-Zimbabwe, Muzvare Jacquiline Chikakano, vati mubvunzurudzo yavakaita zvinoratidza pachena kuti mapazi mazhinji ehurumende haazivi kuti kuwanisa veruzhinji ruzivo ikodzero iri mubumbiro remitemo yenyika.

Kanawo vatori venhau, avo vanoita kuti veruzhinji vazive zviri kuitika munyika, vanoti haisi nyore kuwana mashoko kubva mumapazi ehurumende.

Mumwe mutori wenhau muHarare, Tafadzwa Zirima, ati kuwana ruzivo kunyanya kubva kuhurumende, zvakafanana nekuedza kuenda kuzuva.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe mutapi wenhau, Talent Tirivavi, uyo ati hazvisi nyore kuwana ruzivo munyaya dzehutano chaidzo.

Kunyange zvichinzi kuwana ruzivo ndiko kutanga kwebudiriro, Zimbabwe imwe yedzimwe nyika dzisingadi kubudisa zvinhu pachena kunyange zvine chekuita neruzhinji pamwe nezviri kuitika kumakambani nemapazi ehurumende anofambiswa nemari yenyika.

Veruzhinji vapinda musangano uyu vakurudzira kuti vanoshandira makambani nemapazi ehurumende vasanganiswe neruzhinji kuti zvinyunyuto zvevanhu zvizivikanwe.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG