Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshandisa Minganga Kuti Vafadze Vadiwa Vavo paBonde


Sex Enhancement Drugs
Sex Enhancement Drugs

Kutengeswa kwemishonga yekuwedzera hukasha hwekuita zvepabonde kuri kudzika midzi muHarare nemamwe maguta, izvo zvinogona kuisa hupenyu hwevanhurume vakawanda munjodzi.

Asi nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vanofanirwa kunwa mishonga yakadai ine hukasha hwakatarwa nana chiremba.

Mishonga iyi inotengeswa kunyanya panguva dzezuva rovira mumigwagwa yemuHarare, pamisika, nzvimbo dzinogerwa bvudzi, nzvimbo dzinotandarirwa pamwe nezvimwe zvezvitoro zvinotengesa mishonga.

Mishonga iyi inosanganisira inomwiwa, yemajekiseni, yekuzora pamwe nemapiritsi.

Mishonga yakanyanya kuwanda inosanganisira Congo Dust, Mukwapura, Weti yeGudo, Blue Diamond, Chinese Brush, Stamina neimwewo.

VaInnocentMutopo vane makore makumi maviri nematanhatu ekuberekwa. VaMutopo ndemumwe wevanotengesa mishonga yepabonde muHarare.

VaMutopo vanoti vakakurira mumhuri yaiita zvemishonga kwaMurehwa uye vanoti vanotsvaka mishonga iyi nasekuru vavo.

VaMutopo vanoti vari kuraramiswa nekutengesa mishonga yepabonde iyi neimwewo mushonga, uye vanoitengesera vanhu vavanoziva sezvo zvavari kuita zviri kunze kwemitemo

VaMutopo vanoti pamishonga yavanotengesa vanotoudza vanhu zvipimo zvavanofanirwa kushandisa.

Mumwe wevanotengesa mapiritsi epabonde akada kungozivikanwa nezita rekuti VaBraShumba. VaBraShumba vanoti vanotengesa mapiritsi anomwiwa nevarume, uye vanoti varume vazhinji vanotovatsvaka vachida mapiritsi epabonde aya.

Mumwe mugari wemuHarare anoshandisa mishonga nemapiritsi aya asina kuda kudomwa nezita anoti mishonga iyi inomushandira zvikuru.

Studio7 yataurawo nemumwe mudzimai akada kuzivikanwa nezita rekuti Sarah. Sarah anoti murume wake, uyo akambooma mutezo, anotomwa mapiritsi aya kuti vaite zvebonde. Sarah anoti dzimwe nguva ndiye anotonotengera murume wake mapiritsi aya.

Munyori musangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Evans Masitara, vanoti pane zvirwere zvakaita seshuga neBP zvinokonzera kuti varume vashaye simba pabonde. VaMasitara vanoti mishonga nemapiritsi aya hazvifanirwi kumwiwa vanhu vasina kuona vana chiremba.

Asi Dr Masitara vayambira vanoshandisa mapiritsi nemushonga iyi kuti vaite izvi vachibatsirwa navana chiremba. VaMasitara vanoti kuda mbiri yepabonde ndokuri kupa varume vazhinji kuti vashandise mishonga iyi zvisiri pamutemo.

VaMasitara vanoti mishonga nemapiritsi aya zvinokuvadza kunyanya vanomwa mapiritsi aya vasina kupiwa mvumo navana chiremba.

Rimwe gwaro rakabudiswa ne Zimbabwe National Council for the Welfare of Children, richishanda neZimbabwe Aids Prevention and Support Organisation, Progression Zimbabwe pamwe neNational Employment Council for the Transport Operating Industry, rinotiwo varume vazhinji vanotyaira marori vari kumwa mishonga yepabonde iyi.

Gwaro iri rinoti rakaona kuti varume ava vanomwa mishonga iyi zvinozoita kuti vasangane nevakadzi vakawanda, izvo zvinozowedzerawo kupararira kweHIV/AIDS.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG