Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yofambirana neNguva


MDC App
MDC App

Muchiitiko chinoonekwa nevamwe sekufambirana nenguva uye nzira yekuvandudza kushandisa kwehumhizha mukufambiswa kwemashoko, kana kuti Information Communication Technology mukuedza kuwedzera rutsigiro rwaro, bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rakaparura chirongwa chekushandisa App yepanharembozha inoita kuti bato iri rikwanise kuzvishambadza kuvanhu.

App iyi, iyo inonzi “Morgan Tsvangirai 2018” yakaparurwa musi waKubvumbi 18, iro rinove zuva rekucherechedza rusununguko rwenyika, inoshanda panharembozha dzechizvino-zvino kana kuti ma-smartphone anoshandisa software yema-iPhone kana ma-iPad pamwe chete neye Android.

Kana munhu wave neApp iyi pafoni pako unokwanisa kupinda pamuzinda, kana kuti website inoti www.votemorgan.org inokuratidza zvinhu zvakawanda pamusoro paVaTsvangirai nebato ravo, uye unokwanisawo kubvunza mibvunzo, kutenga mbatya dzakasiyana-siyana kana kupawo mari kubato iri.

VaNigel Gambanga avo vanove nyanzvi munyaya dzehumhizha mukufambiswa kwemashoko vachishanda vakazvimirira vega, vanoti kuparurwa kweApp iyi kwakanakira bato reMDC vachitiwo izvi zvinoratidza kuti bato iri riri kufambirana nenguva.

Kubva pakaparurwa App iyi kusvika pari zvino, pane vanhu vane chitsama vanyora paweb page vachiratidza kufarira kwavo hurongwa uhu.

Mumwe wevanhu ava ndemumwe azviti anonzi Shelton Chiyangwa uyo ati App iyi yakanaka zvikuru uye anovimba kuti bato iri richakwanisa kugadzirisa zvimhingamupinyi zvose zvarakatarisana nazvo kuti rigokwanisa kukunda musarudzo dzinotarisirwa kuitwa mugore rinouya.

Asi VaGambanga vanoti kunyange hazvo vanhu vakawanda munyika vave kushandisa maSmartphone anokwanisa kuenda painternet, vakawanda vavo vanoshandisa WhatsApp pamwe neFacebook chete sezvo zvine mutengo uri nani.

Vanoti nekudaro, havawone vanhu vakawanda, kunyanya vekumamisha, vachizoshandisa App iyi.

VaSoul Kabweza ndivo mupepeti webepanhau repa-internet rinonzi Techzim.

VaKabweza vanobvumiranawo naVaGambanga vachitiwo vanhu vakawanda munyika vanonyanya kushandisa WhatsApp neFacebook uye havawone veruzhinji vakawanda vangakwanise kuburitsa imwe mari kuti vakwanise kushandisa App iyi.

Mumakore apfuura MDC T yakamboita hurongwa hwekushandisa nharembozha mukuedza kutaura nevatsigiri ichishandisa kambani yeEconet asi yakazomira kuita izvi mushure mekunge Econet yatyisidzirwa nehurumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, panyaya iyi.

Pavabvunzwa nezvazvo uye kuti vanofungei nemaonero ekuti App iyi haikwanise kushandiswa neveruzhinji, mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vaudza Studio 7 parunhare kuti hapana zvakawanda zvavangataura pamusoro penyaya iyi sezvo vati kuita izvi kungave kufugura hapwa kungazobatsira vamwe vavanokwikwidzana navo mune zvematongerwo enyika.

VaTamborinyoka varambawo kubuda pachena kuti bato ravo rakashandisa marii kuita App iyi pamwe ne web page inofambirana nayo.

VaKabweza vati sekuziva kwavanoita, havafunge kuti pane mari yakawanda yakashandiswa pakuita App iyi vachiti kuita zvinhu zvakadaro hakudeedzeri mari yakawanda.

Vatiwo zvingabatsire veMDC T kuti App yavo ive inokwanisa kubatanidzwa nezvimwe zvakadai seWhatsApp kana Facebook izvo zvinonyanya kushandiswa neveruzhinji uye kuti vaitewo hurongwa hunoita kuti kana hurumende ikafunga kuvhara zvinhu zvakadai seWhatsApp neFacebook vebato iri varambe vachikwanisa kuramba vachitaura neveruzhinji.

VeMDC T vanowanzochema-chema nerekuti vanoshaiswa mukana wekuzvishambadza kune veruzhinji panhepfenyuro dzehurumende pamwe nemumapepanhau acho.

Nyanzvi dzinoti kuvepo kwemaSmartphone pamwe neInternet kunogona kubatsira mapato anopikisa padambudziko iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG