Accessibility links

Breaking News

Pastor Evan Mawarire ve#ThisFlag Votyira Hupenyu Hwavo


Pastor Evan Mawarire ve#ThisFlag
Pastor Evan Mawarire ve#ThisFlag

Sangano reAmnesty International riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzaPastor Evan Mawarire, avo vakatanga hurongwa hwe #Thisflag, richiti haifanirwe kusavasunga pavanodzokera kumusha.

Sangano iri rinoti pane mashoko ekuti mapurisa ari kutsvaga Pastor Mawarire uye ari kuda kuvasunga pavanongopinda munyika vachibva kuSouth Africa uko vari pari zvino.

Vachitaura neStudio 7 vari kuSouth Africa, Pastor Mawarire vati vanofungidzira kuti hupenyu hwavo nemhuri yavo huri munjodzi zvichitevera kurudziro yakapihwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, yekuti avo vanoita mabasa sera Pastor Mawarire ekupikisa hurumende vaende kunyika dzinovapa rutsigiro.

VaMugabe vakataura izvi vari kuHeroes Acres svondo rapera.

Evan Mawarire
Evan Mawarire

​Vechidiki veZanu PF vakaratidzirawo svondo rapfuura vachitsigira mutungamiri wenyika, uye vachi yambira Pastor Mawarire kuti vaizovashungurudza kana vakaramba vachiita mabasa anopikisa hurumende.

Pastor Mawarire vaudza Studio 7 kuti pane vanhu vange vachivatsvaga kumba kwavo kuZimbabwe uye vachiridza nhare nekuvatyisidzira muSouth Africa mavari.

"Ini shuwiro yangu ndeye kudzokera kumusha kwangu kwechizvarwa asi pari zvino ndichatanga ndawona kuti hupenyu hwangu nehwemhuri yangu hwakachengetedzeka here ndisati ndadzokera," Pastor Mawerera vadaro.

Vati zvinorwadza kuti hurumende iri kuramba ichi wondomotsa hupfumi hwenyika, kusina mabasa, mari kumabhangi kusina mari, asi vane nguva yekutyisidzira zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge ivo nevamwewo.

Pastor Mawarire vati zvakakosha kuti vamwe vari muhusungwa semutungamiri wesangano reWomen In Politics Alliance, Muzvare Linda Masarira, avo vakasungwa pamwe nevamwe gumi nevana mushure pekuratidzira kwakaitika musi wa 6 Chikunguru, vaburitswe kutirongo.

Pastor Mawarire vakambosungwa vakamiswa mudare vachipomerwa mhosva yekupandukira hurumende, asi nyaya yavo yakazoraswa nemutongi wedare, uyo akati vakanga vasungwa vachipomerwa mhosva yakasiyana neyakazosvitswa kudare nevachuchisi.

Hurukuro NaPastor Evan Mawarire #ThisFlag
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG