Accessibility links

Breaking News

Kuenda kuMakwikwi eRugby World Cup Wova Mutoro kuZimbabwe


Rugby
Rugby

Chikwata chenyika chemutambo weRugby chemaSables chazvipinza munjodzi yekutadza kutamba mumakundano emunzira yekuenda kuWorld Cup kekutanga mumakore makumi matatu nematanhatu.

MaSables akadamburwa zvinonyadzisa 61-15 pamusha neKenya muHarare Sports Club mukupera kwesvondo izvo zvavakanda pasi pasi mugungano rezvikwata zvina zviri kurwira mukombe weAfrica Cup Division 1A.

MaSables aifanira kukunda mumutambo wepamusha uyu kuti vaite mukana wekutora mukombe wemuAfrica uyu pamwe nekuchengetedza chinzvimbo chavo chekutamba mumakundano e2019 World Cup ayo arikutanga pakati pegore rinouya.

Asi kukundwa zvinonyadzisa kwavakaita kwasiya Zimbabwe iri pachinzvimbo chekubuditswa mugungano rakakosha reAfrica Cup Division 1A iri.

Vatarisana zvekare nedambudziko rekutadza kutamba muma 2019 World Cup qualifiers sezvo zvikwata zvinenge zviri muAfrica Cup Division 1A gore rinouya ndizvo zvichatambira mukombe wepasi rese uyu.

Mutambo wemaSables unotevera uri pamusha neUganda musi wa 23 Chikunguru asi zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo mutambo wavo wekupedzisira varikutamba neNamibia kuWindhoek musi wa 6 Nyamavhuvhu. Zimbabwe haisati yambodya Namibia pamakore gumi adarika.

Panguva iyo maSables arikutsvaka kuti chii chakavarova, Dynamos iri kupemberera mapoinzi avo gumi nemashanu mumitambo mishanu mushure mekunge Dembare yakatatarika asi ikarova Border Strikers 2-0 muRufaro Stadium neSvondo.

Chikwata chekuBeitbridge ichi chaive chakabata Dynamos zvekuti vamwe vatsigiri veDembare vanga vave kutofunga kuti mutambo uyu uchapera uri mangange apo Elisha Muroyiwa akakanda chibodzwa kubva pamugadzikirwa kwapera maminitsi makumi matanhatu nemashanu.

Idzi ndidzo shungu Dynamos yaitsvaga sezvo Kudzanai Nyakasaka akazowedzera chimwe chibodzwa ndokupa Dembare mapoinzi matatu pamwe nekufamba chinhanho chimwechete pahurongwa hwePremier Soccer League kuenda pachinzvimbo chechina.

Murairidzi wechikwata cheBorder Strikers Never Malunga anoti vanogamuchira zvakaititika asi achiwedzera kuti zvinorwadza kuti matamba zvakanaka zvakadai munodzokera kumba musina chamakabata.

Uyu ndiwo mutambo waMalunga wechipiri kubvira atora basa kubva kunaSaul Chaminuka. Wekutanga wacho Border Strikers yakarova Harare City ndokutambudza Dynamos mumutambo wavo wanezuro.

Asi Malunga anoti hapana zvakawanda zvaakasandura kuchikwata ichi. FC Platinum yadarika Highlanders nepoindi imwechete kuenda pamusoro petafura yePSL mushure mekuita mangange 0-0 neCaps United.

Asi Platinum yakaoneswa chitsvuku neCaps United asi zvibodzwa chiriramba kuuya izvo zvakaita kuti mumwe mutsigiri weCaps United vaLazarus Banda vafunge kuti Kugona Kunenge Kudada ine tsotso idzo dzaitadzisa bhora kunwa.

Highlanders haina kutamba mutambo wayo neTriangle sezvo wakamiswa nevePSL kuchityirwa mhirizhonga dzezvematongerwo enyika.

ZPC Kariba yakadzikira chinhanho chimwechete kusvika pachinzvimbo chechishanu mushure mekurohwa 1-0 neNgezi Platinum Stars asi Moses Bambo Chunga havana mufano mushure mekunge chikwata chavo chakaita mangange 0-0 pamusha neHow Mine.

Chunga atora poindi imwechete pamitambo mitatu yadarikwa zvekuti kwatanga tunyaya nyaya mumusha wemaSunshine City Boys. Mushure mekurova Highlanders 2-1 svondo rapera, Chicken Inn yakarohwawo svondo rino neChapungu 2-1 zvekare neChapungu kuAscot Stadium neMugovera. Zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka kuHwange iyo yakarohwa 1-0 neBulawayo City.

Mutambo weTsholotsho Pirates neMutare City Rovers uyo waive wamiswa zvekare nenyaya yekutyira mhirizhonga urikutarisirwa kutambwa pakati pesvondo rino. Asi nekuratidzira kuri kurongwa svondo rino zvinogona kukona n’anga murapwa achida.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG