Accessibility links

Kuvandudzwa kweMugwagwa weHarare-Chirundu Kwoparurwa naVaMugabe

  • Blessing Zulu

The Zimbabwe National Roads Authority (ZINARA) says it needs nearly $2 billion to rebuild and maintain the country’s road network. (ZINARA website)

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaparurwa zviri pamutemo kugadziridzwa kwemugwagwa weBeitbridge Harare.

Izva zvaitirwa pamabiko aitirwa paChaka.

Vakuru vakuru vekambani yekuAustria yeGeiger International, iyo yakapihwa basa rekugadzira mugwagwa we Beitbridge-Harare uye Harare-Chirundu vakasvika muHarare neChitatu nendege yeEmirates Airways kuti vave pagungano rekuparurwa zviri pamutemo kwekutanga kuvakwa kwemugwagwa uyu.

Pasi pechibvumirano chehurumende nekambani iyi chinonzi Build Operate Transfer, kambani iyi ndiyo inenge ichitora mari yemitero inobhadharwa kushandisa mugwagwa uyu kwemakore makumi maviri nemashanu.

Mugwagwa uyu uri kutarisira kugadzirwa nemari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora.

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, Doctor Joram Gumbo, vanoti mugwagwa uyu wakakosha zvikuru munyaya dzezvehupfumi mudunhu rose rekuchamhembe kweAfrica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG