Accessibility links

Zanu-PF Yonetsana neNyaya yeKubvisa Dual Citizeship

  • Blessing Zulu

VaTobaiwa Mudede

Mukokeri wenhengo dzeZanu PF muparamende, VaLovemore Matuke, vanoti bato ravo riri kuda kuvandudza bumbiro remitemo kuitira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvisakwanise kuwana mukana wekuti zviitwe zvizvarwa zvedzimwe nyika zviri pamutemo, kana kuti dual citizenship.

Mashoko aVaMatuke anotsigira mashoko amabharani mukuru wehurumende, kana kuti Registrar General, VaTobaiwa Mudede, avo vakaudza vadare veZanu-PF kumuzinda webato iri muHarare neChitatu kuti hurumende yave kuda kuvandudza mutemo uyu.

VaMudede vanoti vanhu vakaita dual citizenship vanozogona kuita zvehugandanga, kusabhadhara mitero nemamwe mabasa erima.

Asi vamwe muhurumende nemubato reZanu-PF vanoti vari kukatyamadzwa nemashoko aVaMudede sezvo pasina nhaurirano dzakadai dzakaitwa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuchengetedzwa kwemukati menyika, VaIgnatious Chombo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Studio7 hainawo kubata gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, avo vane bazi rinoona nezvekudzwa pamwe nekuvandudzwakwemitemo.

Bumbiro remitemo iri rakatanga kushanda muna 2013 asi hurumende yatotanga kuyedza kuri vandudza.

Pari zvino dare reparamende riri kuzeya nyaya yekuti bumbiro rivandudzwe kuitira kuti mutungamiri wenyika atenderwe kudoma vatongi vakuru vematare.

Mutevedzeri wemunyori wezvemutemo muZanu-PF, uye vari nhengo yeCentral Committee, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti havasati vasumwa nezvekuda kuvandudzwa kwebumbiro remitemo uku.

Asi vati kuda kuvandudza bumbiro hakuna maturo ose.

Mutauriri webato reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti mashoko aVaMudede anoshamisa zvikuru sezvo bumbiro risina kana makore akawanda ratanga kuiswa zvigamba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG