Accessibility links

VaGodfrey Chidyausiku Vanoshaya kuSouth Africa

  • Blessing Zulu

Godfrey Chidyausiku

Vaimbova mutongi mukuru wematare kana kuti Chief Justice, VaGodfrey Chidyausiku, vashaya.

VaChidyausiku, avo vakaenda pamudyandigere gore rino, vange vari muchipatara kuSouth Africa mushure mekurwara zvakanyanya mavhiki maviri apfuura.

Mumwe mutongi mudare reConstitutional Court asina kuda kudomwa nezita ati VaChidyausiku vange vaine chirwere cheshuga.

Bepanhau reHerald ratendawo kuti VaChidyausiku vashaya. VaChidyausiku, avo vange vave nemakore makumi manomwe ekuberekwa, vakaberekerwa kuDomboshawa.

VaChidyausiku vakamboitawo zvematongerwo enyika vari nhengo yedare reparamende munguva yeRhodesia ne Zimbabwe ichangowana kuzvitonga kuzere.

Vakazoitawo mutevedzeri wegurukota rezvematunhu vasati vaita muchuchusi mukuru wehurumende.

Vakazodomwa kutitwa mutongi wematare, uye vakamboita mutungamiri wevatongi vematare edzimhosva.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazodoma VaChidyausiku kuti mukuru wevatongi vematare vachitora basa rakasiyiwa nevaimbove Chief Justice, VaAnthony Gubbay.

Vakamboshanda sasachigaro weConstitutional Commission iyo yakabuda nebumbiro muna 1999, asi rikarambwa kutambirwa nevanhu pareferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

Rimwe gweta guru munyika vari nhengo yedare reparamende, VaJonathan Samkange, vanoti VaChidyausiku vaive mutongi gava aienzanisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG