Accessibility links

Breaking News

Makorokoza neMakambani eChrome Vopomerwa Mhosva Yekupinza Vanhu muNjodzi neMakomba


Vamwe vagari vekuZvishavane mudunhu raIshe Mapanzure vanoti makambani akaita seZimasco neZimAlloys uye vamwe varikukorokoza nekuchera chrome mudunhu ravo varikuisa hutano hwavo parumana nzombe sezvo vachisvibisa nharaunda pamwe nekusiya makomba ane njodzi asina kufushirwa.

Vagari ava vanoti vemigodhi midiki ava varikusvibisa nharaunda yavo pamwe nemvura. Amai Eunice Charamba Hove vanoti makorokoza aya haana zvimbuzi izvo zvinoita kuti vasiye zvinhu zvakadai semakondomu pachena ayo anozotambiswa nevana vemunzvimbo iyi.

Vagari ava vari kupomerawo mhosva kumakorokoza yekusiya makomba asina kufushirwa izvo zviri kuisa hupenyu hwevanhu nehwezvipfuwo parumana nzombe. VaFortunate Siziba ndeumwe wevakapinda tsaona yekudonhera mugomba rakasiyiwa nemakorokoza aya vachiti vakakanganisika mapapu pamwe negumbo.

VaSilinganiso Nyathi mumwe mugari wemunharaunda iyi vanoti vanotyira hupenyu hwevana vavo sezvo nzvimbo yavo yazara makomba. Muna 2012 mumwe mwana Asar Mpofu akadonhera mugomba akafa. VaNyathi vanoti shuviro yavo ndeyekuti dai vanochera Chrome ava vafushira makomba mushure aya.

VaMartin Mapfumo kanzura weWard 3 vanotiwo makomba ari kucherwa aya idambudziko guru. VaMapfumo vati vagari venzvimbo yavo varikufa, kukuvara kana kurasikirwa nezvipfuwo asi vakati vari kutadza kugadzirisa dambudziko iri sezvo vanochera ava vasingagari panzvimbo imwechete kwenguva yakareba.

Vagari vekuZvishavane ava vanodembawo kuti dai vawana masangano akazvimirira anogona kuvabatsira nezvekushandisa kuti vafushire makomba aya vagoshandisawo nzvimbo dzakakanganiswa idzi zvine pundutso. Vanoti vanokwanisa kurima michero nezvimwe pane makomba aya akange afushirwa.

Mune rimwe gwaro rakabudiswa nesangano rinoona nezvenharaunda reZimbabwe Environmental Law Association rinonzi “From the Great Dyke to the Great threat,” sangano iri rinoti vanhu vemunharaunda mune zvicherwa vanofanirwa kushanda pamwechete nevanopa marezinhesi emighodhi kuitira kuti vemigodhi ava vasiye vagadzirisa nzvimbo dzavanenge vachera zviwanikwa.

Asi chinonetsa ndechekuti vamwe vanongoita zvekukorokoza vasina mvumo. Vamwe vari kucherawo zviwanikwa izvi vari kurasikirwa nehupenyu kana migodhi yacho yadhirika. Mutevedzeri wegurukota rezvezvicherwa VaFred Moyo vanoti vanochera zviwanikwa vanofanira kuafushira sezviri pamutemo wenyika.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG