Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora naVaMangwana Votatsurana neNyaya yeMitemo yeSarudzo


Zimbabwe yakatarisana nedzimwe sarudzo muna 2018, asi sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, patotanga kukandiranwa makobvu nematete pakati pebato riri kutonga reZanu-PF nemamwe mapato anopikisa.

Vanopikisa, avo vakaratidzira muHarare nemusi weChitatu, vanoti havasi kufara nebasa riri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, iyo vari kupomera mhosva yekurerekera zvakanyanya kubato reZanu-PF.

Nekuda kwekushaya chivimbo neZEC vanopikisa vanoti zviri nani kuti sarudzo dzitungamirwe neAfrican Union kana kuti United Nations.

Asi sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vanoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya. Zanu-PF inoti vanopokisa vari kutya kudyiwa sarudzo ndokusaka votsvaga uta nemugate.

Nhengo yeZanu-PF Politburo uye vaimbova gurukota, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti ZEC iri kuita nemazvo uye vane chivimbo nayo.

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti havana chivimbo neZEC uye inofanira kuvandudzwa.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG