Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vnoti Varimi Vachawana Mari Dzavo dzeFodya Pasina Matambudziko


Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Doctor John Mangudya, vanoti vagadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari kumabhanga ari kumusika wekutengesa fodya weTobacco Sales Floor.

Izvi zvinotevera bata murefu bata mupfupi yakaitika pamusika uyu svondo rapera mushure mekunge varimi vashaya mari mumabhanga.

RBZ yaimbenge yavimbisa varimi kuti vanokwanisa kutanga kutora mari inosvika chiuru chimwe chete vachizotora mari inosvika mazana mashanu pazuva.

Asi svondo rapera mabhanga ari pamusika weTobacco Sales Floor akange opa varimi mari inosvika madhora mazana matatu chete sezvo vainge vachiti havana mari. Izvi zvakapa kuti varimi vamboratidzira musika uchibva wavharwa mushure mekunge mapurisa emvongamupopoto apindira.

Mukuru weTobacco Industry and Marketing Board, Doctor Andrew Matibiri, vaudzawo Studio7 kuti dambudziko iri rakagadziriswa.

Mumwe murimi, VaJulius Mashiri, vaudza Studio7 kuti vakwanisa kuwana mari yavo inosvika chiuru chemadhora kubva kubhanga reCBZ.

Asi vati dambudziko riri kuuya kana varimi vasina inonzi “growers account” inoratidza kuti varimi vefodya.

VaMangudya vati vane chivimbo chekuti fodya ichabatsira mukugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari munyika uye kumutsiridza hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Hurukuro naDoctor John Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG