Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichiri Kuda Kuita Nhaurirano neVashandi


Hon Priscah Mupfumira
Hon Priscah Mupfumira

Gurukota rinoona nezvevashandi vehurumende, Amai Prisca Mupfumira, vanoti nhaurirano dzichiri kuenderera mberi pakati pehurumende nevashandi vayo panyaya yemari yemabhonasi egore rapera kunyange hazvo vamwe vashandi vatanga kuramwa mabasa vamwe vachiti vachatangawo kuratidzira svondo rinouya.

Amai Mupfumira vanoti hurumende iri kunzwawo pfungwa dzevamwe vashandi vasiri kumirirwa nemasangano evashandi kuti vogadzirisa sei nyaya yemabhonasi. Hurumende iri kutatarika kubhadhara vashandi vayo sezvo iri kuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaimbenge varamba kupa vashandi vebhonasi asi mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakati vashandi vapihwe mari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende iri kurasikirwawo nemari yakawanda ichibhadhara vashandi vasina zvavari kunyatsoita kana kuti ma“ghost workers.”

Vazhinji vevashandi ava ndevechidiki vebato reZanu-PF vanoshanda mumatunhu kana kuti mayouth officers.

Amai Mupfumira varamba kuti pane vashandi vehurumende vari kubhadharwa vasina zvavari kuita vachiti vakatopedza ongororo yenyaya iyi.

Hurukuro naAmai Prisca Mupfumira
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG