Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Havasi Kuzodoma Achavatsiva Sezvo Zviri Kubato reZanu-PF


VaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko naVaEmmerson Mnangagwa.
VaRobert Mugabe, VaPhelekezela Mphoko naVaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nhasi vaita mabiko ekupemberera bhavhudhe ravo rechimakumi mapfumbamwe nematatu kuMatopos Junior School, Matobo kuMatabeleland South.

VaMugabe vakasvitsa makore aya nemusi weChipiri kunyangwe hazvo mabiko akarongwa neYouth League yabato ravo pasi pe21st February Movement azoitwa nhasi.

VaMugabe vati havasi kuzodoma munhu achatora chigaro chavo sezvo izvi zviri kubato ravo reZanu-PF kusarudza mutungamiri warinoda.

VaMugabe vatsidza zvekare kuti havasi kuzosiya chigaro uye vari kukukwidza musarudzo dzegore rinouya ra2018. Vati pane vamwe mubato reZanu-PF vanoda kutyora bumbiro remutemo webato vachida kuti vasiye chigaro ivo vakasarudzwa nevanhu.

“So why why do you want to try circumvent the constitution, haunganzvengese constitution se bhora kuti uwane chigaro aiwa hatina kumboita party yakadaro,”

Mubato reZanu-PF mune kunetsana kunotyisa pakati pevari kutsigira mumwe mutevedzeri wavo VaEmmerson Mnangagwa nevari kutsigira chimwe chikwata chinonzi Generation 40 icho chnonzi chinotsigirawo mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe. Pamabiko aya mashoko evange vachitaura ange achiburitsawo pachena kuti mubato mapindwa naPongwe.

Panyaya dzezvehupfumi, VaMugabe vakati mari yemabond notes ichangoshanda kwenguva pfupi. Asi kunyangwe hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika munyaya dzezvehupfumi zvapa kuti vana veZimbabwe vaende muhupoteri, VaMugabe vakati vanoshamisika nevanhu vanoenda kunopotera kune dzimwe nyika vachipa muenzaniso nyika yeAmerica.

VaMugabe vanoti vakateerera mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vachitaura zvekunetsana kwavo nemuvakidzani wavo Mexico zvekuda kutovaka mudhuri mure refu. Vakati kuita kwakadai kunopa kuti vashamisike kuti sei vana veZimbabwe vachida kubuda munyika vachienda muhupoteri ivo vachizonobatwa neseri kweruoko.

Vachitaurawo pamabiko aya vanotungamira vechidiki muZanu-PF Youth League VaKudzi Chipanga vati vanoda kuti VaMugabe vafire pachigaro kana kuti “Life President”. Vati Zanu-PF inofanira kumira kuita sarudzo dzemutungamiri webato yongoita zvekusarudza vatevedzeri chete nekuti VaMugabe havana anokwikwidza.

VaMugabe vave kuratidza kukura kwakanyanya vataura kwenguva inodarika awa rimwe chete. Vati kurarama kunobva kunaMwari uye havangazive kuti hupenyu hwavo hunoguma riini. VaMugabe avo vange vachitaura vakabata katebhuru kange kaine bepa rine mashoko avanga vachitaura vati dzimwe nguva vanomboona semunhu ari oga asi vakati havasi kuzobuda mugwara ravari.

Zviuru nezviuru zvevatsigiri vavo zvange zviri pamabiko aya. Zvakapfeka hembe dzine mufananidzo waVaMugabe.

Nzvimbo yange ichiitirwa bhavhudhe iyi yagara iine mutauro wakanyanya panyaya yemhirizhonga. Panzvimbo iyi pedyo nepakavigwa mutumbi waCecil John Rhodes uyo akauraya vana veZimbabwe vakawanda pakupamba kwake nyika.

Asi pakawana kuzvitonga kuzere munzvimbo iyi makaitawo hondo yeGukurahundi apo vanofungidzirwa kuti vanodarika zviuru makumi maviri vakaurayowa nemauto eFifth Brigade muMatabeland neMidlands. Zvinofungidzirwa kuti vamwe vakapondwa munguva iyi vakavigwa pedyo nepange pachiitirwa mabiko aya.

VaChipanga vaudza Studio 7 kuti pange paine vanyarikani kubva kunyika dzakaita seZambia, China, Namibia, Botswana, Angola nedzimwe. Vamwe vange vari pamusangano uyu vanosanganisawo mukuru wemauto General Constantino Chiwenga uye mukuru wemapurisa Commissioner General Augustine Chihuri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG