Accessibility links

Breaking News

VeMDC-T neZanu-PF Votatsurana Zvichitevera Sarudzo kuGhana neGambia


VaYahya Jammeh vaimbotungamira Gambia.
VaYahya Jammeh vaimbotungamira Gambia.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti nyaya yekuita sarudzo dzine mutauro iri kupa kuti Zimbabwe ibatwe seyakageza negoka munyama nenyika dzekunze uye zviri kupa kuti zvinhu zvirambe zvakaita manyama amire nerongo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti nyaya yekuita sarudzo dzine mutauro iri kupa kuti Zimbabwe ibatwe seyakageza negoka munyama nenyika dzekunze uye zviri kupa kuti zvinhu zvirambe zvakaita manyama amire nerongo.

Nemusi weChitatu, Ghana yakaita sarudzo dzinonzi nevari kuongorora kusanganisira vekuZimbabwe dziri kufamba zvakanaka kunyangwe paine zvimhingamupinyi pakuverengwa kwemavhoti.

Vanhu vachakamirira zvakabuda musarudzo idzi kunyange hazvo vanopikisa veNew Patriotic Front vange varova bembera kuti vakunda.

KuGambia vainge vatungamira nyika iyi kwemakore makumi maviri nemaviri, VaYahya Jammeh, vanonzi vaityora kodzero dzevanhu, vakakundwa musarudzo dzakaitwa kutanga kwaZvita vakabvuma kusiya chigaro murunyararo.

Apo Zimbabwe yatarisana nesarudzo muna 2018, vakawanda vatobatira kare hana mumaoko nekutya mhirizhonga.

Ko zvii zvingadzidzwe neZimbabwe kubva kusarudzo dziri kuitwa nevamwe muAfrica idzi.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti Zanu-PF haidi sarudzo dzakachena nekuti inotya kukundwa.

Asi nhengo yeZanu-PF inomiririra Makonde mudare reparamende, VaKindness Paradza, vanoti Zanu-PF yagara ichikunda asi MDC-T haidi kutenda kuti yakundwa.

Hurukuro naVaObert Guru naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG