Accessibility links

Nyanzvi Dzozeya Dambudziko reMari muZimbabwe

  • Blessing Zulu

mabond notes

Gavhuna webhanga guru enyika, Va John Mangudya, vave nevhiki rimwe chete vaparura mabond notes kuti vayedze kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari.

Gavhuna webhanga guru enyika, Va John Mangudya, vave nevhiki rimwe chete vaparura mabond notes kuti vayedze kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari.

Nyanzvi munyaya dzvezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vanhu vari kutambira mabond notes nekuti hapana chembwa sezvo tenzi vararira mutakura.

Mashoko aya anotsinhirwa neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCalvin Mudzingiri, vanodzidzisa paUniversity of Free State ku Bloemfontein kuSouth Africa.

Mari yakaparurwa naVaMangudya pari zvino ishoma zvikuru sezvo ichingosvika mamiriyoni gumi.

Asi mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaDavison Norupiri, vanoti mabond notes ari kushanda sezvange zvakatarisirwa.

Doctor Chitamabara vanoti kuparura mari dze bond notes kuzvisikira moto muziso.

Mashoko aya anotsinhirwawo naVaMudzingiri vanoti ma bond notes akawanda anoshandiswa kutsvaira madhora ekuAmerica mashoma achiri pamusika wemari.

VaChitambara vanoti kungodira mari kunopawo kuti inflation ibva yanyanya kukwira.

Vatiwo hurumende mune remangwana inoti ichada kuparura mari yayo asi izvi zvinoda nguva.

KuWestern Union vanhu vanonzi vari kukwanisa havo kutora mari yavo.

Asi kuti mari yema bond notes iyi icharamba ichishanda zvakaenzana nedhora rekuAmerica here?

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mhinduro inowanikwa kumakore eku1950 apo Sir Thomas Gresham vaive maneja wa mambokadzi Elizabeth wekutanga, vakati kana paine mari mbiri dziiri kushanda panguva imwe chete imwe iine huremu hwegoridhe hwakawanda imwe iine hushoma, ine goridhe rakawanda inoiswa mudura imwe yacho ndoinoshandiswa.

Uyu ndomutemo unonzi Gresham Law nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotenderana kuti mari yemuZimbabwe iite chiremera, zvinoda kuti nyika igadzire zvinhu zvakawanda zvekutengesa kunze kwete kungodhinda mari.

XS
SM
MD
LG