Accessibility links

Nhaurirano Dzekuti Mapato Ashandire Pamwe Dzokonzeresa Mutauro

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVaWelshman Ncube. (AP Photos/Collage na Ntungamili Nkomo)

Mamwe mapato anopikisa ange achiita nhaurirano dzekuyedza kubatana pamberi pesarudzo dzemuna 2018, akapeta nhaurirano idzi muCape Town kuSouth Africa nemusi weChina.

Mamwe mapato anopikisa ange achiita nhaurirano dzekuyedza kubatana pamberi pesarudzo dzemuna 2018, akapeta nhaurirano idzi muCape Town kuSouth Africa nemusi weChina.

Nhaurirano idzi dzaikokerwa naVaRolf Meyer vekuSouth Africa.

Mapato gumi nematatu kusanganisira ZAPU, PDP, ADP, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube nemamwe ndiwo ange ari kumusangano uyu.

Asi mamwe mapato anopikisa akaita seMDC-T inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai ne Zimbabwe People First inotungamirwa naAmai Joice Mujuru akaramba kupinda mumusangano uyu.

Vakaramba kupinda vanoti havana kupihwa chinangwa chemusangano uyu uye vanotiwo havasi kufara navari kukokera musangano vamwe vacho vavanoti vanoita zvehusori.

Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti nhaurirano dzinofanira kukokerwa nevanhu vemuZimbabwe kwete vekunze.

Asi mutauriri wePeople’s Democratic Party, VaJacob Mafume, vanoti nhaurirano dzinofanira kuitwa zvisinei nekuti dzakokerwa nani sezvo nyika yasvika kumawere.

XS
SM
MD
LG