Accessibility links

Nhaurirana dzeMapato Anopikisa Dzotarisirwa Kupera muSouth Africa neChina

  • Blessing Zulu

VaTendai Biti naVaWelshman Ncube.

Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anopikisa munyika ari kucapetwon, South Africa kumusangano wekuyedza kuita mushandirapamwe pasati paitwa sarudzo muna 2018.

Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anopikisa munyika ari kuCape Town, South Africa kumusangano wekuyedza kuita mushandira pamwe pasati paitwa sarudzo muna 2018.

Musangano uyu wakatanga neMuvhuro uchipera nemusi weChina.

Mapato gumi nematatu ndiwo ari kupinda mumusangano uyu asi bato guru rinopikisa reMDC-T harina kuenda kumusangano uyu. Bato reZimbabwe People First rinonziwo harisi kupinda mumusangano uyu.

Mamwe mapato anzi aripo anosanganisa, People's Democtaric Party, Transform Zimbabwe, Renewal Democrats of Zimbabwe nemamwe. Studio 7 haina kukwanisa kubata vamwe vatungamiri vemapato aya.

Mushure mekunge vemMDC-T neZimbabwe People First varamba kupinda mumusangano uyu, vari kuronga nusangano uyu vanonzi vakakumbira rimwe gurukota muhurumende yeSouth Africa, VaJeff Radepe, kuti vakumbire mutungamiri wemMDC, VaMorgan Tsvangirai naAmai Joyce Mujuru asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti havasi kufara nevanhu vari kukokera musangano uyu.

Munhu anonzi ari kukonzera mutauro ndiVaIssac Maphosa vesangano reZimbabwe Institute.

Vanoziva zviri kuitika vanoti Zimbabwe Institute yakavambwa nerutsigiro rwe MDC ichakabatana asi ikazosara iri kudivi kwaVa Welshman Ncube mushure mekupatsanuka kwekutanga kwakaita MDC muna 2005.

Asi vanotungamira MDC, Muzvinafundo Welshman Ncube, vati VaMaphosa havanei nemusangano uyu.

Mutauriri wePDP, VaJacob Mafume, vatenda kuti mutungamiri webato ravo, VaTenda Biti, vari kumusangano uyu.

Panyaya yekusaenda kumusangano kweMDC-T nePeople First VaMafume vati vana vembwa havasvinure musi mumwe chete.

Mutauriri weZimbabwe People First, VaJealousy Mawarire, vati havasi kufara nevanhu vakakokera musangano uyu avo vati vanodyidzana nebato reZanu-PF zvikuru vanonzi vanotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vakaronga musangano uyu, uye vari vekuNorway, vanonzi ndivo vakaronga nhaurirano dzakamboitwa gore rapera kuKenya nekuGhana idzo ndzakapindwa nemapato anoti MDC-T, MDC uye Zanu-PF.

Musangano uyu wakazoguma woita mutauro sezvo vamwe muZanu-PF vasina kufara vachiti waiitwa muchivande.

Zanu-PF kumusangano uyu yaimirirwa naVaJuly Moyo pamwe na Amai Oppah Muchinguri Kashiri.

XS
SM
MD
LG