Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yonetsana neNyaya yeVatevedzeri veMutungamiri weNyika


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mubato reZanu-PF mave kuita kunetsana kunotyisa mushure mekunge dunhu reMashonaland Central rabuda pachena kuti rinoda kuti vatevedzeri vemutungamiri wenyika nebato ravo vasarudzwe nevanhu kwete kuita zvekudomwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Nyaya iyi inonzi nevamwe inoratidza chaipo pamire chikwata chinozivikanwa nekuti G40 icho chiri kunetsana nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa vanonzi vanotungamira chimwe chikwata chinonzi Team Lacoste.

Bepanhau reHerald nemusi weChishanu range richishorawo imwe nhengo yeG40 Muzvinafundo Jonathan Moyo gurukota rezvefundo yepamusoro avo vari kuti pandandemutande ravo retwitter bumbiro remutemo rinofanira kuti rivandudzwe, vatevedzeri vemutungamiri wenyika vosarudzwa nevanhu uye kuti mumwe wevatevedzeri ava ave mudzimai sezvaiitwa kare. Kubva muna 2004 kusvika muna 2014, bumbiro remutemo reZanu-PF raiti mumwe mutevedzeri webato ave mudzimai.

Asi pakabviswa amai Joyce Mujuru pachigaro chekuva mutevedzeri waVaMugabe vachinzi vaida kuvaita kafiramberi, muna 2014 bumbiro rakabva ravandudzwa.

Bato reZanu-PF rine musangano wepagore mwedzi unouya kuMasvingo asi pari kuratidza kuti pane kunetsana kwakanyanya.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition vanoti musangano weZanu-PF wapindwa napongwe.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera havo kuZanu-PF VaGadzira Chirumanzu vanoti vanoshora zviri kuitika mubato reZanu-PF havazive mashandiro aro.

Hurukuro naVaJoy Mabenge naVaGadzira Chirumanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG