Accessibility links

Breaking News

Bishop Bakare Voparura Gungano reNational Convergence Platform


VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai
VaRobert Mugabe naVaMorgan Tsvangirai

Gungano reNational Convergence Platform kana kuti NCP rakaparurwa muHarare nemusi weChishanu nechinangwa chekuda kuyedza kuita mubatira pamwe chuma chemuzukuru kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

NCP ichange ichitungamirirwa naBishop Sebastian Bakare vekereke yeAnglican. Bishop Bakare vati sangano ravo harinei nezvematongerwo enyika asi rine chinangwa chekubatanidza zvizvarwa zvese zveZimbabwe kuti zvikuru kure murunyararo.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekuparura NCP, VaBakare vakati vanhu vemuZimbabwe vanotya kubudisa pfungwa dzavo pachena nekudaro gungano ravo richava nzvimbo inounganidza vana veZimbabwe kuti vataure vakasungunuka.

VaEric Matinenga vaimbove gurukota rezvemitemo muhurumende yemubatanidzwa vakamirira bato reMDC imwe nhengo yebhodhi reNational Convergence Platform.

MATINENGA
MATINENGA

VaMatinenga vati pfungwa dzekuumba nzvimbo yekuti vana veZimbabwe vawane mukana wekutaura nhunha dzavo pamwe nezvingaitwe kuti nyika inyukurwe mumatope mairi dzakabuda muna2013 saka kuparurwa uku kuzadzikisa chiga ichi.

VaMatinenga vatiwo pari zvino zvakaoma kutsanangura hurongwa hweNCP sezvo vachiri kuunganidza mari dzekushandisa kuti vanhu vakwanise kuungana.

VaTakura Zhangazha nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vati kuti donzvo reNCP rekugadzirisa zviri kunetsa munyika kuti ribudirire vanofanirwa kunyatsobuditsa pachena gwara richatorwa kuti izvi zviitike.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinotiwo masangano ari kuzviti ari kuda kugadzirisa matambudziko enyika awandisa.

Masangano aya anosanganisa reNational Election Reform Agenda, Nera, reNational Transitional Authority uye reCoalition of Democrats kana kuti CODE.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vanotungamira sangano reMedia Centre vanotenda kuti masangano aya anenge awandisa. Vanoti zvakakosha kuti aite mushandirapamwe kwete kuna kukwikwidzana.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG