Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voshora Zanu-PF neKutsika Madziro Kuti VaMugabe Vamirire Bato Iri muSarudzo dza2018


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Matunhu eZanu-PF uye masangano anodyidzana nebato iri ari kuita chipatapata nhaka yemakonzo kuratidza rutsigiro rwavo kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pamberi pemusangano webato iri wepagore weZanu-PF annual conference kuMasvingo Show Grounds.

Musangano uyu unotanga musiwa13 uchipera musi wa17 Mbudzi. Matunhu ose eZanu-PF anoti ari kudawo kuti VaMugabe vatungamire bato musarudzo dzemuna 2018.

Asi vamwe vanoti VaMugabe vanenge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana vanenge vakura uye vachitiwo nematambudziko akatarisana nenyika munyaya dzezvehupfumi.

Asi veZanu-PF vanoti vari kushamisika kuti vanopikisa vanodei pamuchato wedhongi nebere.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti kunetsana kuri kuitika muZanu-PF kuti kupawo kuti munyika musagadzikane uye vatiwo kana VaMugabe vachida kuramba vachisimbiswa bato ravo ngaringoite imwe congress.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu-PF VaGadzira Chirumanzi vanoti vanhu vanoshora zviri kuitwa nebato ravo havazivi kuti rinoshanda sei.

Hurukuro naVaJoy Mabenge naVaGadzira Chirumanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG