Accessibility links

Breaking News

Madzimai Akawanda Onetseka Kuronga Mhuri


Sangano reZimbabwe National Family Planning Council kana kuti ZNFPC rinoti madzimai mazhinji munyika ari kubata pamuviri zvisina kurongwa nenyaya yekushaya zivo.

VeZNFPC vanoti nekuda kweizvi madzimai anosvika chikamu chiri pakati pegumi kusvika gumi nezvishanu kubva muzana vanoshaya panguva yekuzvara kana kurasikirwa nerusvava pakuzvara.

Mashoko aya akataurwa nesangano iri kuvatori venhau kwaMutare nemusi weChitatu. Mukuru weZimbabwe National Family Planning Council mudunhu reManicaland VaDyson Masvingise vanoti chikamu chinosvika makumi mana chepamuviri panobatwa nemadzimai chinenge chisina kurongwa.

“Statistics dzinonotaura dzoga, tiri kuti 40% dzenhumbu ndinenge dzisiri kutarisirwa nekuti nhumbu idzi dzingange dzisipo asi nekuda kwekuti pane nyaya yeinonzi unmet need iripo tinongoramba tichiwana nhumbu idzi dzichibata kuvanasikana vasina kuwanikwa uye nekumadzimai akawanikwa. Izvi zvinokwanisa kupera chete kana the unmet need iyi yagadziriswa uye nyaya yemacontraceptives iyi yaiswa at their disposal.”

VaMasvingise vanotsanangura zvinoreva unmet need.

“Unmet need tinoreva kuti mudzimai akatoroorwa iye pachake anotokwanisa kuita mwana asi apa haana atori kuwana chiri kumudzivisa kuti agone kushandisa family planning method saka iyoyo tinopedzisira tava kuiti i-unmet need. Anoda kushandisa family planning method asi pane chiri kumudzivisa, dzingava tsika angave magariro.”

Mukuru weZNFPC anoti kushanda pamwe chete nevatori venhau kunobatsira kuti shoko ravo kana dzidziso yavo ipararire nenyika yose kuti matambudziko akatarisana nemadzimai aya apedzwe nechimbichimbi kunyanya mugore ra2020.

“Saka tiri kuti isisu kana maMedia Houses akakwanisa kuembresa mastatistics vokwanisa kuwana information yakakwana vanokwanisa kuspredha information iyi kumacommunities kumalevels ekuti kumadzimai akaroorwa uye nekumadzimai asina kuroorwa, kuvasikana ukuwo vakomana vobva vazivawo kuti equally they are responsible.”

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZNFPC mudunhu reManicaland VaDaniel Maromo vanoti huwandu hwemadzimai nevasikana vari kuita pamuviri pasina kurongeka pavasingadi kuri kuwedzera zvikuru kumaruwa nezvikonzero zvakasiyana siyana.

“Nyaya iripo ndeyekuti izvi zvakamira zvakadai nenyaya yemareligious and traditional backgrounds uko vasingabvumirani nenzira itsva dzekuronga mhuri. Vamwe havana ruzivo nezvenzira idzi saka seZNFPC tiri kuedza kuita reach out kunharaunda dzisina zivo nezvenzira dzeFamily planning itsva dziriko idzi.”

VaMaromo vanoti zvimwe zviri kupa nyaya iyi irambe ichivatemesa musoro sesangano rinoshanda riripasi pebazi rezvehutano nekurerwa zvakanaka kwevana inyaya yekuti zvimwe zvipatara zviri kure nekunogara vanhu.

“Tsika nemagariro imwezve nyaya iri kupa kuti tive nedambudziko iri renhumbu dzisina kugadzirirwa.”

VaMaromo vanoti mamwe madzimai anoshanyira mahofisi avo muchivande vachitoda kubatsirwa pamusoro penzira dzekuronga mhuri.

“Tinotozviziva kuti pane mamwe madzimai anenge achitoda kushandisa nzira dzefamily planning asi vachidziviswa, from experience seZNFPC tine madzimai anotouya kwatiri kana vauya muno mutown kunyanya vechipositori, vanotonzvenga murume vototi ndibayeyi dhepo vamwe vachitora mapiritsi avanozomwira kumagadheni avo. Vanenge vachida asi situation yekumba kwange inenge ichimurambidza.”

Vatiwo chinonyanyonetsa pane dzimwe nguva inyaya yekuti varume ndivo vanongosarura pavanodira kuita bonde izvo vanoti ndiyo imwe nzira inozoita kuti madzimai abate pamuviri pasina kurongeka.

“Varume vazhinji traditionally tisu tinovamba nyaya dzebonde pamwe mudzimai anenge asiri prepared for it, nyaya yekuita call the shots all the time kuvanhurume ndizvo zvinopa nyaya yemaunwanted pregnancies saka tiri kuti varume should play their role and engage madzimai avo uye kuti vave responsible kwete kungoita pose paadira pasina involvement yemadzimai.”

VaMasvingise vanoti nzira kwadzo dzefamily planning dzikatevedzerwa nemazvo muZimbabwe panokwanisa kuchengetedzwa mari inosvika mamiriyoni gumi nerimwe chete kubva parinahasi kusvika mugore ra2020, sezvo imwe mari inoshandiswa pakunosungunuka nhumbu dzisina kurongwa ichikwanisa kushandiswa zvimwe. Vanoti kushandiswa kwenzira dzekuronga mhuri kunzvimbo dzakawanda zvakare kunopa kuti madzimai asarasikirwe nehupenyu pakusungunuka.

Amai Sofia Nezandonyi vachitaura vakamirira chiremba mukuru wedunhu reManicaland Dr Matron Mafaune vakurudzira vatori venhau kuti varambe vachidyidzana nevekubazi ravo mukushambadzira mashoko ezvehutano kuitira kudzivirira njodzi kunyanya kumadzimai akazvitakura.

Musangano uyu wakapindwa nevatori venhau vane chitsama vabva kumasanganoa akasiyan-siyana nevamwe vanoshanda vakazvimirira voga.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG