Accessibility links

Crisis in Zimbabwe Yonetseka neKutyorwa kweKodzero dzeVanhu muNyika


Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition nemusi weMuvhuro rakaita musangano kuJohannesburg, South Africa vachizeya mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe zvikuru nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Masangano akapinda mumusangano uyu anosanganisa Tajamuka, National Vendors Union Zimbabwe, ZCTU, Platform for Youth Development nemamwe.

Mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition Amai Pamela Kadau vakaudza Studio 7 kuti vari kunetsekana zvikuru nenyaya yekurohwa kwevanhu munyika nevanofungidzirwa kuti vasori uye mapurisa.

Amai Kadau vati zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuSouth Africa zvinotiwo zviri kuda kupihwa mukana wekuvhota.

Asi mukuru weZimbabwe Electotal Commission Amai Rita Makarau vakaudza vatori venhau mazuva mashoka apfura kuti mutemo uripo parizvino haupe vanhu vari kunze kwenyika mukana wekuvhota. Vakati izvi zvinokwanisika chete kana bumbiro remutemo ravandudzwa.

XS
SM
MD
LG