Accessibility links

VaKasukuwere Vodzora Vakuru veKanzuru Vange Vamiswa Basa naVaManyenyeni

  • Blessing Zulu

VaBernard Manyenyeni

Gurukota rinoona nezvematunhu VaSaviour Kasukuwere nemusi weChipiri vakati vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weguta reHarare Amai Josephine Ncube vange vamiswa basa nameya weguta reHarare VaBernard Manyenyeni vadzoke pabasa.

VaKasukuwere
VaKasukuwere

Amai Ncube vakamiswa basa vachipomerwa mhosva yekuzvitambirisa mari yakawanda uku guta richitatarika.

Asi VaKasukuwere vati amai Ncube vakazoenda kumatare kanzuru inorasikirwa nemari.

VaManyenyeni vanoti vanga vadaidzwa kumusangano uyu naVaKasukuwere asi vange vakabatikana. Vagari vemuHarare vanoti nyaya yekunetsana kwakanyanya pakati pameya naVaKssukuwere iri kupa kuti zvinhu zvirambe zvichinetsa munyika.

XS
SM
MD
LG