Accessibility links

Varimi Votadza Kutenga Mbeu neKushaya Mari muMabhanga

  • Arthur Chigoriwa

Varimi vakawanda vanoti vari kutadza kutora mari dzavo mumabhangi izvo zvave kuita kuti vatadze kutenga mbeu kuti vadyare paine nguva sezvo mvura yoturuka.

Varimi ava vaudza Studio 7 kuti vari kurara mumitsetse yemabhangi nevavariro yekutora mari yekutenga mbeu nefotoreza asi hapana chavari kuwana sezvo vemabhangi vachiti havana mari.

Mumwe mugari wekuKenzamba kuMakonde VaFidelis Chako avo vave nemazuva matatu vachirara pamutsetse webhangi ravo rePOSB vanoti vakawana madhora makumi matatu chete kubvira musiwe Muvhuro.

VaChako vanoti mari yavakawana yave kutoperera mukutenga zvekudya muChinhoyi sezvo vasina hama muguta iri.

Vanoti kurima kunofambidzana nenguva uye vanotarisira kuti vangadai vatofamba nendima.

Mumwe murimi wekuMhangura VaChristopher Pfende vanoti chinonyanya kurwadza inyaya yekuti vemabhangi havasi kuziva kuti mari vachaiwana riini.

VaPfende vanoti vave nemazuva matatu vachirara mumutsetse webhangi kuti vawane mari yekutenga mbeu nefotireza.

Varimi vari kuchema chemawo kuti mbeu yave kutengeswa nemutengo wakakwirira nekuda kwekuti mvura yaturuka. VaPfende vanotsanangura.

Mumwe murimi anoti vave kuzvitengera mbeu yavo vega sezvo mbeu inobva kune mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe iri shoma zvakanyanya.

Mutungamiri wenyika anopa vanhu mbeu asi munhu anopihwa 10 kgs chete nefotireza inokwanirana.

Varimi vanoti kunyange hazvo vati nonokei kuisa mbeu pasi, vane tarisiro yekuti vachadyara nekukohwa zvekudya zvinovakwanira.

VaTonderai Makaya vanoti mwaka wezhizha watanga zvakaipa kuvarimi sezvo vari kurasikirwa nenguva nekuti hapana munhu anoziva kuti mvura ichanaya kusvikira riini.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyikaVaEmmerson Mngangagwa vane chirongwa chavoc checommand agriculture chavari kupa varimi mbeu nefotereza kuti nyika iumbiridze dura rechibage.

Zimbabwe iyo yaizivikanwa sehurudza yemudunhu rekuchamhembe kweAfrica. Asi ikozvino yave kuonekwa senyope yakagarira badza. Vanhu vanodarika mamiriyoni mana vanoda chikafu kusvika nyika yakohwa gore rinouya.

XS
SM
MD
LG