Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Vogunun'una neKusatakurwa kweMarara


Harare litter
Harare litter

Vagari vemuHarare vari vashoropodza zvikuru kanzuru yeguta ravo nekutadza kutakura marara oita makomo mune dzimwe nzvimbo dzeguta iro raimbozivikanwa nekuti "sunshine city" nekugara rakachena.

Studio 7 yatendera kunzvimbo dzakawanda mudhorobha reHarare zvikuru kuno kwirirwa mabhazi nemakombi. Nzvimbo idzi dzinosanganisa kuCoppa Cabana nekuna Fourth Street.

Zvaonekwa neStudio 7 zvinoodza moyo sezvo marara ange ari pose pose zvichiratidzawo kuti vanotakura marara vanogona kunge vakaenda havo pamudyandigere mwedzi yakawanda yapfuura.

VaMunoda Murombedzi vanotengesera padyo padyo nepane marara aya kuna 4th street bus terminus vati kusatakurwa kwemarara kuri kuderedza bhizimusi ravo sezvo vatengi vonyenyeredza pamusika wavo.

Muzvare Cecelia Tugwete vanochinja mari vari paRoadport chinova chiteshi chinomirwa mabhazi anobva neanoenda kunze kwenyika vati kanzuru yeHarare iri kudzikisira chimiro cheguta pamwe nenyika. Vawedzerawo kuti zvinonyadzisa kuti vanhu vanobva kunze nemabhazi vanongotambirwa nemarara.

VaTerry Mutsvanga vanomirira sangano rinorwisa huori reCoalition Against Corruption (CAC) vati zvinovashamisa kuti kunyangwe zvazvo kanzuru ichibhadharisa vagari mari dzekutorwa kwemarara, marara akazara muguta nekumisha inogara vazhinji.

VaMichael Chideme vanoona nezvekufambiswa wemashoko muHarare City Council vaudza Studio 7 kuti kanzuru yange yakatarisana nedambudziko redzimotokari dzekutakura marara asi vati dambudziko iri ragadzirwa uye kanzuru inenge yotakura marara nemazvo.

VaChideme vawedzerawo vakati dambudziko iri ranga rawedzerwa nemoto wange uchibvira kunzvimbo inorasirwa marara yePomona vakati vange vasina kwekurasira marara.

Pomona yakabvira kubva musi wa6 Mbudzi ikazodzima kutanga kwevhiki rino mushure mekunaya kwemvura.

Vagari vemuHarare vaudza Studio 7 kuti nekutanga kunaya kwoita mvura dambudziko rekusatakurwa kwemarara iri rinogona kukonzeresa zvirwere zvemudumbu zvakaita setyphoid necholera pamwe nekuvhara nzira dzinofamba nemvura.

Kuvhara kwemigero inofamba nemvura kunokonzera mafashamu anova njodzi kuvanhu.

XS
SM
MD
LG