Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuLupane Vofara neKuwana Mvura Yakachena


 Lupane State University
Lupane State University

Panguva iyo madhorobha akawanda munyika akatarisana nedambudziko guru rekuwanira vagari mvura yakakwana, vamwe vagari vemudhorobha reLupane muMatebeleland North province ndevamwe vevanhu vashoma vane rombo rakanaka munyika, vanokwanisa kuwana mvura yakachena yemupombi kana nguva ipi zvayo.

Izvi zviri kuitika mushure mekunge kambani yeZimbabwe National Water Authority yavhura nzvimbo yekuchenesa mvura kana kuti water treatment plant inowanisa dhorobha iri mvura.

Kunyange hazvo chiri chinhu chinowanzotaurwa kuti pasina mvura hapana hupenyu, dzimwe nguva izvi zvinongoonekwa senhando. Asi vagari vakawanda vemudhorobha reLupane vanonyatsonzwisisa chirevo ichi.

Kambani yehurumende inoona nezvekuwanisa vanhu mvura yeZimbabwe National Water Authority, kana kuti ZINWA, yaiwanisa vagari veLupane mvura yaibva muzvibhorani zvayo zvina zviri mudhorobha iri.

Nekuda kwekuti dhorobha reLupane riri munzvimbo isinganyanyonaya mvura yakawanda zvibhorani izvi zvaipera mvura kana kufa, izvo zvaiita kuti vagari vagare vakatarisana nedambudziko rekushaya mvura.

Asi iyi yangove nhorooondo sezvo ZINWA yakakwanisa kutanga kuwanisa vanhu mvura yakachena mushure mekuvhurwa kweLupane Water Treatment Plant, iyo yakatanga kushanda muna Gunyana, ichidhonza mvura kubva mudhamhu reBubi-Lupane.

VaChristopher Mazibisa, avo vanove muzvinabhizimisi, uye variwo sachigaro weLupane Residents and Ratepayers Association vanoti vari kufara nekuda kwekuti vagari vave kukwanisa kuwana mvura yakakwana.

Amai Doreen Mpunzi ndemumwewo mugari wemudhorobha reLupane.

Amai Mpunzi vanoti vagari, kunyanya madzimai, vaipedza nguva yakawanda vachitsvaga mvura yekunwa neyekushandisa mumba uye vave kufara kuti mvura yave kuwanikwa zviri nyore.

Dhorobha reLupane riri makiromita zana nemakumi masere kumaodzanyemba kweguta reBulawayo.

Dhorobha iri rakadomwa kuve guta redunhu reMatebeleland North muna 1999, uye rakakwidziridzwa kubva pakuve Growth Point mugore ra2007.

Asi kwenguva yakareba hapana budiriro yakanyanya inowonekera yange ichiitika mudhorobha iri nekuda kwechikonzero chekuti mange musingawanikwe mvura yekunwa yakakwana.

Muzinda wemahofisi ehurumende ndechimwe chezvivakwa zvishoma zvinowonekera mudhorobha iri.

Lupane State University, inove imwe yemauniversity ehurumende munyika, ine muzinda wayo mudhorobha iri, uye hurumende iri mushishi kuweedzera kuvaka mahofisi pamwe nezvimwe zvivakwa zveUniversity iyi muLupane mekare.

Kushaikwa kwemvura kwange kuchitadzisa vashandi vemapazi ehurumende akasiyana siyana, uyewo vashandi nevadzidzi veLupane State University vakawanda kuti vagare mudhorobha iri.

Mukuru mukuru weLupane State University Professor Pardon Kuipa vakaudza Studio 7 kuti kuvepo kwemvura kuchabatsira zvikuru.

Lupane Water Treatment Plant yakatanga kuvakwa makore maviri apfuura ndokunge kuvakwa uku kwambomira nekuda kwekushaikwa kwemari. Yakazopedziswa ZINWA yawana mari inosvika $350 000 kubva kuhurumende.

VaChengeto Gozo ndivo mukuru mukuru weGwayi Catchment Area mukambani yeZINWA. VaGozo vanoti Lupane Water Treatment Plant inokwanisa kuchenesa mvura inosvika 240 cubic metres pahour rega rega, asi vanoti pari zvino havazi kushandisa michina yavo zvizere nekuti vari kukwanisa kupa vagari mvura yakakwana.

Kuverengwa kwevanhu kwakaitwa munyika, kana kuti population census, yegore ra2012 kwakaratidza kuti Lupane District ine vanhu vanosvika zana rezviuru nezana nemakumi matanhatu (100 161).

Pari zvino vanhu vanosvika mazana matatu ndivo chete vari kuwana mvura yemupombi kubva kuZINWA mudhorobha reLupane.

Asi vaGozo vanoti mvura inocheneswa paLupane Water Treatment inokwanisa kukwanira vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu (60 000).

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG