Accessibility links

Breaking News

IMF Yobvisa Zvirango paZimbabwe Asi Ichiti Hapana Zvikweret Zvitsva Zvichapihwa Nyika


Mukuru weIMF Amai Christine Lagarde
Mukuru weIMF Amai Christine Lagarde

Executive Board re International Monetary Fund nemusi weMuvhuro rakati rabvisa zvirango zvange zvakatemerwa Zimbabwe nenyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti pasi pechirongwa chePoverty Reduction and Growth Trust kana kuti PRGT.

Asi IMF inoti izvi hazvireve kuti Zimbabwe ichawana zvimwe zvikwereti nechimbi chimbi.

Zvirango zvabviswa zvinosanganisa nyaya yekusadyidzana neIMF, kutadza kuwana rubatsiro kubva kuIMF uye kurambidzwa kweZimbabwe kuwana zvikwereti pasi pePRGT. Izvi zvinotevera kubhadhara kweZimbabwe mari inosvika zana remamiriyoni emadhora musi wa 20 Gumiguru. Zimbabwe yainge yakundikana kubhadhara zvikwereti kubva muna 2001.

Asi IMF inoti Zimbabwe haikwanise kutanga kungopihwa mari sezvo ichiine zvimwe zvikwereti kuAfrican Development bank, World Bank neEuropean Investment Bank.

IMF inotiwo kuti Zimbabwe ikwanise kupihwa mari panofanira kuitwa musangano wakakura weExecutive Board. Asi hapasati paziviswa zuva rekuti bhodhi iri ringaite musangano uyu riinhi.

Zimbabwe ine chikwereti chinosvika mazana matanhatu ane gumi kuAfDB (US$610 million, bhiriyoni imwe chete ine gumi nematanhatu remadhora kuWorld bank, (US$1, 16 billion) uye mazana maviri nezviuru makumi mana kuEIB (US$240 million)

XS
SM
MD
LG