Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Votyira Hutano Sezvo Dambudziko reMvura Rokomba


Kanzuru yeHarare inoti iri kutora matanho akasimba kudzivirira zvirwere zvemudumbu zvinogona kukonzerwa nekunaya kwemvura.

As vagari vemuguta pamwe chete nevanomirira vagari vanoti zviito zvekanzuru zvinogona kutowedzera kupararira kwezvirwere izvi. Vamwe vagari vari kutyira kuti kunaya kwemvura kuchapa kupararira kwezvirwere zvakaita sezvemanyoka, cholera netyphoid.

Kunyangwe hazvo mvura iri kunaya, kanzuru yeHarare haina mari yemishonga yekuchenesa mvura. Izvi zvapa kuti vamwe vagari vaende kunochera mvura kumatsime asina kuchengetedzwa.

Vachitaura nevatori venhau muHarare vhiki rapera, vanoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mukanzuru yeHarare Dr Kudzai Masunda vakati kanzura yatora matanho akawanda kudzivirira kupararira kwezvirwere izvi.

Asi Dr Masunda vanoti havo sekanzuru vatotanga kuona kuwedzera kwehuwandu hwevanhu vari kurwara nezvirwere zvemudumbu. Kunyangwe hazvo kanzuru ichibvuma kuti zvirwere izvi zviri kukwira, yakabudisa mumapepenhau kuti iri kuzovharira mvura vese vane zvikwereti. Izvi zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano kuzvisikira moto muziso.

Nzvimbo zhinji dzemuHarare dziri kuwana mvura kwemazuva mashomanana uye kune mimwe misha yakaita seMabvuku, Tafara neMsasa Park hakutowanike mvura zvachose.

VaPrecious Shumba vesangano rinomiririra vagari reHarare Residents Trust vari kushoropodza zviito zvekanzuru vachiti kusapiwa mvura yakakwana pamwe nedanho ratorwa rekuvharira vane zvikwereti mvura zvichapamhidzira dambudziko rezvirwere zvemudumbu izvi.

VaShumba vanoti kanzuru yeHarare inofanirwa kuziva kuti ruzhinji rwuri kushaya mari sezvo hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka.

VaShumba vakapomerawo kanzuru yeHarare mhosva yekusashandisa homwe yemvura yekanzuru nemazvo.

Muzvare Grace Mavhezha mumwe mugari wemuHarare vakurudzira kanzuru yeHarare kuti imbomira zvekuvharira ruzhinji mvura vakati kushaisa vanhu mvura imviro mviro dzekuuraya vagari sezvakaitka muna 2008 na2009 apo pakaita chirwere cheCholera. Vatiwo zvinosuwisa ndezvekuti vana nevanhukadzi ndivo vanozonyanyotakura mutoro wezvirwere uyu.

Izvi zvatsigirwa naVaReggy Karenga avo vati kanzuru inofanirwa kutsvaka dzimwe nzira dzekuti vanhu vabhadhare mari idzi.

VaKarenga vanotiwo kanzura inenge ichizvipa basa guru rekuzoedza kurapa zvirwere zvemudumbu izvi zvakadai seTyphoid neCholera.

Mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehutano anoratidza kuti chirwere checholera netyphoid zvikapararira kanzuru pamwe nehurumende havagoni kuzorapa ruzhinji pasina mari inobva kumasangano akazvimirira.

Pakambopararira chirwere ichi muna 2008 na2009, nyika dzakaita seAmerica, Britain nesangano reEuropean Union ndidzo dzakazomira mira kubatsira Zimbabwe iyo yaitatarika kubatsira varwere.

Sangano reWorld Health Organisation rakati vanhu vanopfuura zviuru zvina vakafa panguva iyi nekuda kwecholera. Ndangariro dzenguva iyi ndidzo dzotyisa ruzhinji.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG