Accessibility links

Breaking News

Vaiva Vashandi veMakambani eMangoda Vononga Svosve neMuromo kwaChiyadzwa


Vaimbove vashandi vemakambani anochera mangoda kwaChiadzwa vari kuyaura nenzara uye kudya nhoko dzezvironda mushure makambani aya akatorerwa marezinesi ekuramba achichera nehurumende.

Vashandi ava kunyanya vagari venharaunda dzakapoteredza Marange vanoti varohwa nenhamo zvakanyanya. Vazhinji vakamiswa mabasa nechimbichimbi vange vakatadza kuwaniswa mari dzemihoro yavo.

Makambani aichera mangoda anosanganisira Anjin, Mbada Diamonds, Kusena, DMC, Marange Resources nemamwe akamiswa kushanda zvikapa kuti vashandi vanopfuura churu vamiswe mabasa.

Vamwe vevashandi ava kunyanya vagari venzvimbo iyi vava kuomerwa nehupenyu sezvo nharaunda iyi isina zvizhinji zvinokwaniswa kuitwa zvinopa chouviri uye yave zvakare nzvimbo yakachengetedzwa.

VaGodknows Murire mumwe wevaimbove vashandi kukambani yeAnjin Investments yaichera mangoda avo vanoti kupera kwebasa nenguva yavaisatarisira kwakavapidza munyatwa yakaomarara.

“Kunzi basa rapera kwakati kanganisa zvakanyanya sezvo hapana aitarisira izvi panguva iyoyo, nekuti tange tisina gadziriro or kuti kupihwa notice chaiyo. Vanoenderera mberi vachiti, "Kungomiswa suddenly kwataitwa kwakakuvadza nemhuri yose nokuti hurongwa hwange husipo wokuti pamwe ndizvo zvichazoitika.”

VaMurire vanoti kupera kwakaita basa kwakapa kuti vazhinji vasare vaine zvikwereti kumabhanga, zvitoro, munharaunda nekwakawanda wanda izvo zvikwereti zvacho zvonetsa kubhadharika nekuti basa rakapera.

“Panyaya yezvikwereti zvopa kuti tishupike kuzvibvisa kana kudzosera, apawo taingopihwa tumari tushoma tushoma apo takamiswa mabasa. Nekuwanda kwemaneeds sevanhu vaviva pabasa tasara tiri munhamo yekuti tobhadhadhara vanhu vaye seyi iwe wagara.” Vanodaro VaMurire

VaCharles Kusena mumwezve mushandi wekuminda yemangoda akamiswa basa, avo kuchemawo nenyaya yezvikwereti izvo vanoti zvakatovapedzera zvipfuyo zvavo votengesa kuitira kudzosera mari yemabhanga neyemuvanhu vonge vonetsa voda kuvaendesa kumatare edzimhosva.

Amai Mary Munjoma mugari wekuHot Springs pedyo nenzvimbo yaicherwa mangoda nekambani yeAnjin vane murume akamiswa basa. Amai Munjoma vanoti nhamo yapfunya chisero mumusha wavo izvo zvopa kuti vandosunza kana kuita maricho kunzvimbo dzakavapoteredza kuti vararamise mhuri yavo.

“Kubva pakamiswa baba basa hupenyu hwatiomera zvekuti tave kuita marikicho sezvo pachisina chekuita baba vakagara. Mamwe mabasa ekutotiraramisa mhuri kuteza huni nekuita mikando, tave kupfeka mazitye atinopfekedza vana zvemadhora dhora nekuti chekuita chacho hapana.”

VaBiggie Vheremu vaishandirawo imwe kambani yaichera mangoda kwaChiadzwa. Vanoti kumira kwavakaita basa mwedzi yodarika makumi maviri yapfuura kwovatemesa musoro nekuti havachazivi kuti zvichemo zvavo zvemari dzisina kupera kubhadharwa vachazviendesa kunaani uye nemari dzemazuva erivhi.

“Tiri kuti tiri kushaya kwekuti tinozonanga ani pakuda kuti tinzwe kuti mari tichabhadharwa nani. Vaimbove vakuru vedu vekambani takavabvunza izvozvo asi hatina zvakare kupihwa mhinduro inogutsa saka ipapo pari kutinetsa kusvika parizvino.”

Vaimbove vashandi vemakambani emangoda ava pamwechete nemhuri dzavo vari kuronga kuratidzira mumazuva mashoma ari kutevera vachinyunyuta nekusabatwa zvakanaka kwavari kuitwa nemapurisa ari kuchengetedza minda yemangoda iyi pamwechete nemasoja avo anoti ari kushungurudza vagari zvisakafanira.

Vagari venzvimbo dzinoti, Hotsprings, Tonhorai, Chakohwa vari kunyunyuta zvakare nekusvibisirwa mvura yemunzizi dzavo zvakare kusapihwa mabasa pakambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Mining Company kana ZCDMC.

Vagari ava vari kushanda pamwe chete nesangano rinorwira kodzero dzevanhu vanogara munzvimbo dzinowanikwa zviwanikwa reCentre for Research and Development, CRD.

Mukuru weCRD VaJames Mupfumi vanoti ikodzero yevagari vekwaChiadzwa nenyaya yekushungurudzwa kwavo.

“Isusu nyaya yedu tiri kuzama kushanda nemaCBOs (Community Based Organisations) ari kuno panyaya yaari kuda kuita ratidziro yavo nenyaya yeharassment yavari kusangano nayo mucommunity, angave maissues e-unemployment evana venyu, abuse yevana zvekare nyaya yewater pollution environmental degradation yemakomba akasiyiwa akadaro nemacompanies. Vanotiwo, "Tiri kunzwa zvakare kuti vana vari kumanikidzwa kufushira makomba aya vachinzi magweja, saka iorced labour iri kuuya kabisira futi.”

Vagari venharaunda yeChiadzwa vanoti nenyaya yekusvibisirwa kwemvura murwizi Odzi nemakambani aimbochera mangoda vazhinji varasikirwa nezvipfuyo kunyanya mombe dzinosvika mazana masere, uye mbudzi nehwayi.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG