Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMasvingo Vorarama neKunhonga Chikafu muMabhini eZvikoro


Vamwe vagari vekumaruwa ekuBikita nekwaGutu kuMasvingo vave kurarama nekudya chikafu chekunonga mumabhini pazvikoro zvemabhodhingi zvakava komberedza.

Izvi zviri kukomzerwa nekukomba kwaita nzara nekushaikwa kwechikafu mumaruwa. Izvi zvakakonzerwa nekushomeka kwemvura yekunaya mwaka wapera.

Vagari ava vanoti kunyangwe hazvo zvisina hutano kunhonga chikafu chinenge chasiiwa nevana vechikoro, vari kutokwanisa kuraramida mhuri dzavo idzo dzanga dzatarisana nerufu nenyaya yenzara.

VaEphraim Gurwe vemubhuku rekwa Sosera kuBikita vanoti vanotofara zvikuru kuti vakawana pekuraramisira mhuri yavo sezvo vanga vaomerwa.

“ Tinotohwa kufara zvikuru nekuti ndipo patova neraramo yedu, tinotora chikafu toenda nacho kumba tondodziyisa kuti tiuraye hutachiwana sezvo chiri chemubhini, hapana zvimwe zvatingaite nekuti chikafu kuno hakuna.”

Izvi zviri kuitikawo kune zvimwe zvikoro zvakawanda kwaGutu uko kune nzara yapfunya chisero.

Vagari veko vanoti havasi kuwana rubatsiro kubva kuhurumende nemamwe masangano akazvimirira nekuti vanotariswa kuti vanobva kudivi ripi rezve maotiongewe enyika.

VaTaurai Gumbochuma wemuraini rekwa Mabhugu kwashe Munyaradzi vanoti nenyaya yekunyimwa chikafu nevatsigiri vemusangano unotonga vanosara vasina kwekuchiwana kunze kwekunonga chikafu pazvikoro zveboarding zviri pesto navo sepaDewure.

“ Kumba kune zhara saka zvakutonetsa, saka takutouya kuzoponera pano. Panouya chikafu isu hatipuwi tichinzi tinobva kumba isingaiti yezvematongerwe enyika saka pano ndopatava kutoponera patinowana chikafu chosiwa nevana vechikoro.”

Vagari vekumaruwa vanoti vakambozama kurarama nemichero yemusango asi inowanokwa zvichienderana nemwaka wegore saka vakatowana nzira iri nyore yekuwana chikafu.

Vazhinji vanomukira pazvikoro nekuswerapo vakamirira kuti panoraswa chikafu kunyanya sadza mumabhinin voisa mumasaga kana migomo yavo voenda kumba.

Vave kumba vanorichengetedza vodya kwemazuva akawanda vachidziisa pose pavanoda kudya.

Vamwe vanoti vanotowana usavi hwakasiyana siyana kusanganisira bhinzi, nyama, hove izvo zvinonchinjaniswa pazvidyo zvevana vemabhodhingi.

Asi vanoona nezve hutano vanoti izvi zvingangoita kuti vagari Ava nemhuri dzavo vabatwe nezvirwere zvakasiyana siyana.

Mumwe mudzidzisi wepachikoro chePamushana akaramba kudomwa zita rake akati vaimborambidza vagari kutora chikafu ichi nenyaya yehutano asi vakapedzisira vavasiya vaona kuti havana chekudya zvechokwadi.

“Tangambotanga tichidzinga vanhu ava tuchityira hutano hwavo asi takatozoona kuti hapana zvatingazviita nekuti vamwe vacho vaonda nenzara saka takati regai vabatsirikane sezvo mamiriro azvakaita vachihwisa tsitsi.”

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG