Accessibility links

Breaking News

Vanhu muZimbabwe Vopa Pfungwa Dzavo neKukunda kwaVaTrump muSarudzo dzekuAmerica


VaDonald Trump nemutevedzeri wavo VaMike Pence
VaDonald Trump nemutevedzeri wavo VaMike Pence

Kukunda kwaVaDonald Trump musarudzo dzekuAmerica kwatambirwa zvakasiyana siyana muZimbabwe.

Vamwe vanoti vange vachida kuti Amai Hillary Clinton vakunde asi vamwe vanoti kukunda kwaVaTrump kuchaunzwa pfungwa dzitsva dzehutongo munyika iyi.

VaTrump vebato remaRepublicans vakakwanisa kuzvika mavhoti mazana maviri nemakumi masere nemapfumbamwe ukowo Amai Hillary Clinto vebato remaRepublicans vaine mavhoti mazana maviri ane gumi nemasere.

MuAmerica dunhu roga roga rinenge riine mavhoti anonzi Electoral College zvichienderana nehuwandu hwevanhu vanenge vari mudunhu racho. Munhu anotanga kusvika mavhoti mazana maviri nemakumi manomwe ndiye anenge akunda musarudzo.

VaTawanda Karombo ndeumwe wevange vachitsigira vaTrump uye vange vaine mufaro mukuru. VaKarombo vati Amai Clinton vange vabata mabasa akawanda ehutungamiriri saka havana chitsva chavaizounza mukutungamirira America.

VaOstallos Siziba vanorwira kodzero dzevanhu uye vachiita zvidzidzo zveInternational Relations kuUniversity of Zimbabwe vati kukunda kwaVaTrump chinofanirwa kuve chidzidzo kuvatungamiriri vemuAfrica kuti sarudzo dzinofanirwa kuve dzejekerere.

VaElijah Mutemeri vekuZimbabwe Congress of Trade Unions vaudza Studio 7 kuti kunyangwe zvazvo vange vachida kuti Amai Clinton vakunde, vati semunhu anoda hutongo rwejekerere vanogutsikana nezvadiwa nevagari vekuAmerica. Vatiwo vane chivimbo chekuti VaTrump havazosiyi Africa ichitambura.

Amai Charity Mandishona vaudza Studio 7 kuti vabatikana zvikuru nekukunda kwaVaTrump vakati vange vasingadi VaTrump nekuti vanofunga kuti vane rusaruraganda.

Amai Lorraine Sibanda vanotungamirira sangano reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations vati kukundwa kwaAmai Clinton kunoratidza kuti handinyore kuti vanhukadzi vawane zvigaro zvepamusororo.

VaWisborn Malaya vataurawo neStudio 7 vati vakabatira hura mumaoko kuti VaTrump vachaenderera mberi nekuzadzikisa zvavaitaura zvinosanganisira kusada vanhu vanobva kune dzimwe nyika uye kutaririra vanhukadzi pasi

Asi VaAlois Mutizira imwe nyanzvi munezvekudyidzana nedzimwe nyika vati havaoni kudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika kuchichinja nekukunda kwaVaTrump.

VaTapiwa Mashakada munyori mukuru munyaya dzehupfumi mubato reMDC vashorawo VaTrump vakati vakatyityidzira vavhoti nekuti vacharamba zvinenge zvabuda musarudzo kana vachinge vakundwa.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG