Accessibility links

VaTrump Vokunda Amai Clinton Musarudzo dzeMutungamiri weNyika yeAmerica

  • Blessing Zulu

VaDonald Trump vapinda munhoroondo yenyika yeAmerica apo vasarudzwa kuva mutungamiri wenyika yeAmerica wekutanga ange asiri mune zvematongerwo enyika akunda sarudzo.

VaTrump vebato remaRepublicans vakunda Amai Hillary Clinton vebato remaDemocrats. Amai Clinton ndivo mudzimai wekutanga kusarudzwa kumirira bato guru musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica. Amai Clinton vakamboitawo munyori mukuru mudare remakurukota muhurumende yaVaBarack Obama.

VaTrump vashamisa vanhu vakawanda zvikuru nekukunda kwavaita musarudzo sezvo vakawanda vange vachifunga kuti Amai Hillary Clinton vachakunda musarudzo idzi.

XS
SM
MD
LG