Accessibility links

Breaking News

VaTrump Votungamira Musarudzo dzeAmerica


Clinton Vs Trump
Clinton Vs Trump

Zviri kubuda musarudzo parizvino mukutanga kuverengwa kuri kuitwa mavhoti kune mamwe matunhu. Pane vari kukwikwidzana, Amai Hillary Clinton naVaDonald Trump anenge akunda anofanira kutanga kusvika mavhoti mazana maviri nemakumi manomwe kana kuti 270 electorao votes.

Mavhoti aya anoverengwa pachitariswa huwandu hwevanhu vari munzvimbo. Semuenzaniso California ine macollege vote 55, ukuwo Washington DC ine vanhu vashoma iine macollege vote matatu.

Pari zvino VaTrump vakunda ku Indiana, Kentucky, Oklahoma, Tennessee, South Carolina, Alabama, Kansas, Louisiana, Wyoming, Arkansas, Texas, North Dakota, Montana, Missouri, Ohio, South Dakota neWest Virginia (167 electoral votes)

Amai Clinton vakunda kuVermont, New Mexico, New Jersey, Rhode Island, Illinois, Massachussetts, Maryland, Virginia, Connecicut, Washington DC, New York neDelaware (122 college votes)

XS
SM
MD
LG