Accessibility links

Breaking News

America Yovhota: Zvizvarwa zveZimbabwe Zvotaurawo Maonero Azvo


Amai Clinton naVaTrump
Amai Clinton naVaTrump

America iri kuita sarudzo dzekutsvaga mutungamiri mutsva nhasi zvizvarwa zveZimbabwe zvine mawonero akasiyana-siyana pamusoro pesarudzo idzi pamwe nezvirango zvakamerwa VaRobert Mugabe nevamwe vavo vari muZanu PF.

VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakaita saVaTongai Ushewekunze zvinoti zvinotarisira kuti VaDonald Trump vebato remaRepublicans vachakundwa naAmai Hilary Clinton vebato remaDemocrats musarudzo dzekuAmerica idzi.

VaUshwekunze vanoti VaTrump munhu asingade vanhu vatema nokudaro zvichaita kuti vatema vazhinji vemuAmerica vasavavhotere.

VaPascal Mutongwizo vanogara kuBudiriro muno muHarare vanoti vanowona VaTrump vachikunda musarudzo idzi.

Zvichakadai, VaGodfrey Sithole, vanova nhengo yeMDC inomirira Chitungwiza North muparamende vanoti sarudzo idzi dzine zvakawanda zvingadzidzwa nenyika dzichiri kubudirira zvakafanana nekupa mikana yakaenzana yekubuda panhenpfenyuro kwemapato anenge achipikisana, kuita sarudzo dziri pachena pamwe nekukurumidza kubuditsa zvinenge zvabuda musarudzo.

Zvichakadai, mumwe mutsigiri webato reZanu PF, Muzvare Nancy Mupepereki vakurudzira achakunda musarudzo idzi kuti awone kuti zvirango zvakatemerwa VaMugabe zvabviswa vachiti zvirango izvi zvakonzera kuti ruzhinji rweZimbabwe rwunonge svosve nemuromo.

Asi VaSithole vati havawone zvirango izvi zvichibviswa sezvo hurumende yaVaMugabe ichiramba ichityora kodzero dzevanhu munyika.

Mumwe mudzidzi wezvidzidzo zvematongerwo enyika paUniversity of Zimbabwe, VaGilbert Chikwature, vanoti mabatiro anoita America nyaya dzekunze kwenyika havawanzochinja kunyange hurumende ikachinja.

Izvi zvatsinhirwa neimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTjenesani Ntungagwa, avo vanoshanda nesangano reRevolutionary Research Institute of Zimbabwe.

VaMugabe ne vamwe vavo vari muZanu PF vakatemerwa zvirango neAmerica pamwe nedzimwe hurumende dzekunze nepamusana pekubirira musarudzo pamwe nekutyora kodzero dzevanhu.

Asi ZANU PF inoti iri kuoneswa pfumvu ne hurumende dzekumavirira nepamusana pekugova kwayakaita mapurazi aiva evachena.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG