Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muHarare Votaura nezveSarudzo dzekuAmerica


VaDonald Trump naAmai naAmai Hillary Clinton
VaDonald Trump naAmai naAmai Hillary Clinton

Apo America inoita sarudzo dzemutungamiriri wenyika nemusi weChipiri, vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe neveruzhinji vanoti hurumende yeZimbabwe, vakuru vemapato ezvematongerwo enyika pamwe nekomisheni yesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission vanofanira kudzidza zvakawanda musarudzo idzi.

Vakawanda vanoti vanotsigira Amai Hillary Clinton kuti vave mutungamiriri mutsva weAmerica vachiti kana izvi zvikaitika zvichasimudzira vanhukadzi kwete muAmerica asi pasi rese. Amai Clinton vari kukwikwidzana neshoroma VaDonald Trump.

Sarudzo dzemutungamiriri wenyika yeAmerica idzi dzinoitwa musi wa8 Mbudzi mushure memakore mana oga oga uye dzinotarisirwa zvikuru nenyika dzepasi rose.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaVivid Gwede, vanoti sarudzo idzi dziri kuitwa zvakajeka uye vese vano kwikwidza vachipihwa mukana wekuita misangano pamwe nekusangana nevatsigiri vavo izvo vanoti hazviitike muZimbabwe.

Vanoti ichi ndicho chikuru chinofanira kudzidzwa nemapato ezvematongerwo enyika, mapurisa pamwe neveZimbabwe Electoral Commission.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaDonald Chibika, vanotiwo kunyange hazvo paine matambudziko pano neapo, sarudzo dzekuAmerica dzakajecha zvikuru kana zvikaenzaniswa nemuZimbabwe.

Vanotiwo America inopa mukana kuzvizvarwa zvayo zvese zviri kunze kwenyika kuti zvivhote kwete muZimbabwe mekuti hurumende inoda mari dzevanhu vanogara kunze asi isingavape mukana wekuvhota.

Sachigaro weZimrights, zvakare vari gweta, VaPassmore Nyakureba, vanoti Zimbabwe inofanirawo kuti idzidze kubva kuAmerica iyo inopa mukana akaenzana kune vanenge vachikwikwidza.

Mukuru weDemocractic Party, Vurayayi Zembe, vaudza Studio 7 kuti America inyika yakabudirira chose nekuti inota sarudzo dzakachena uye Zimbabwe inofanira kuita zvimwezvo kuti kana ichida kuti zvinhu zvayo zvifamba zvakanaka munyaya dzehupfumi kana dzematongerwo enyika.

Vanoti hupfumi hweZimbabwe hwaparara nenyaya yekuti munyika muoitwa sarudzo dzinemutauro nguva nenguva.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa namuzvinafundo Welshman Ncube, VaKurauone Chihwayi vanoti chidzidzo chikuru chabuda musarudzo dzekuAmerica ndechekuti nguva yesarudzo haisa nguva yekupondana asi yekusarudza vatungamiriri.

Zvichakadai vakawanda vataura neStudio 7 vanoti vanotsigira Amai Hillary Clinton kuti vave mutungamiriri weAmerica anotevera.

Munyori wevechidiki muPeoples Democratic Party, Tatenda Chigwada vaudza Studio 7 kuti vanotsigira Amai Clinton nekuti vanoona sekuti vane moyo munyoro uye vanoda kuti madzimai asimukire munyaya dzematongerwo enyika.

Amai Esther Shumba vanotiwo VaDonald Trump munhu asingaremekedze madzimai nekudaro haazviite kuti vavatsigire.

VaGwede vanobvumirana nevaviri ava vachiti kana Amai Clinton vakakunda zvichapa manyukunyuku kuvanhukdzai pasi rese kuti vapinde munyaya dzematomgerwo enyika.

Kana Dr Zembe vanoti madzimai ange akadzvinyirwa kwenguva yakareba muAmerica uye chingave chinhu chakanaka chose kana Amai Clinton vakakunda. Vanotiwo Amai Clinton mukadzi akashinga uyewo vakambove gurukota reAmerica rinoona nezvidzimwe nyika, vakavazve mudzimai wemutungamiriri wenyika zvekuti hapana changave tadzise kutungamira nyika yeAmerica.

Ongororo dzir ikuitwa muAmerica dzinotaridza kuti makwikwi pakati paAmai Clinton naVaTrump akaoma kunyange hazvo Amai Clinton vari pamberi nezvikamu zvishomanana.

Kana Amai Clinton vakakunda, kanenge kari kekutanga kuti nyika yeAmerica itungamirwe nemunhukadzi.

XS
SM
MD
LG