Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Voshora Hurumende neKusaferefeta Nyaya dzeHuwori


Muzvinafundo Jonathan Moyo
Muzvinafundo Jonathan Moyo

Nyanzvi munyanya dzekurwisana nehuwori, dzinoti yasvika nguva yekuti vanhu vemuZimbabwe vabatane mukurwisa huwori sezvo vakuru vakuru muhurumende, mapurisa pamwe nekomisheni inoona nezvekurwisa howori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, vari kutadza kugadzirisa nyaya dzehuwori munyika.

Vachitaura pamusangano wekuzeya nyaya iyi wainge wakarongwa neveTransparency International Zimbabwe muHarare nemusi weChina manheru, mukuru wesangano iri Muzvare Mary Jane Ncube, vakati zvinosuwisa kuti hapana ari kuita hanya yekuda kusunga kana kutonga vari kuita huwori kunyange hazvo vanhu vari kuita izvi vari kubuda pachena vachitoburitsa humbowo segurukota redzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo.

VaMoyo vakabvuma kuti vakatora mari inodarika zviuru mazana mashanu kukambani iri pasi pebazi ravo, yeZimbabwe Manpower Development Fund kana kuti ZIMDEF vakatenga mabhasikoro avakaendesa kumusha kwavo kuTsholotsho, uyewo imwe vakaishandisa kuronga misangano yebato ravo reZanu PF nezvimwe izvo zviri kunze kwemutemo. Muzvinafundo Moyo vakatenda mashoko aya padandemutande ravo reTwitter.

Gweta Muzvare Fadzayi Mahere, vakati zviri pachena kuti mapurisa nemapazi ehurumende anofanira kugadzirisa nyaya iyi haana zvaari kuita nekuti iyi ndiyo tsika yakatekeshera muhurumende uye VaMoyo pachavo vanoziva kuti hapana zvavanoitwa.

Vanoti Zimbabwe ine bumbiro remitemo yakakwana yekugadzirisa nyaya dzehuwori uye zviri pachena kuti hapana chido chekurwisa huwori kubva kuvatungamiriri venyika.

Vanotiwo sezvo mapurisa nehurumende vasiri kuda kugadzirisa nyaya iyi, vanhu ngavabatane vagadzirise dambudziko iri vega.

Nyanzvi munyanya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Amai Naome Chakanya, vakati huwori hwatekeshera munyika uye vanhu mumapazi nemakambani ehurumende vari kuita madiro aJojina nekuti vanoziva kuti hapana zvavanoitwa.

Vanoti vanobvumirana naAdvocate Mahere kuti vanhu vemuZimbabwe vanofanira kubatana vorwisa zvakasimba kuti varikuba nekuita huwori vasungwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vanotiwo vanhu havafaniriri kutarira nyaya yaVaMoyo yekuZIMDEF vachiti pese pese munyika pave kuitwa huwori.

Zvinonzi veZimbabwe Anti-Corruption Commision vaida kusunga VaMoyo asi vakarambidzwa kuita izvi kekutanga nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe uye kechipiri nemutevedzeri wavo VaPhelekezela Mphoko, avo vari kupomerwavo mhosva yekuburitsa muchitokisi vakuru vakuru vekubhodhi rekambani yeZINARA vainge vasungirwa nyaya dzehuwori.

Vanhu vakawanda vakapinda mumusangano uyu vakaita saVaHenry Kane vekuEpworth, vakaratidza kusafara nekuti hurumende haina zvairi kuita nenyaya dzehuwori.

Asi vachipindura mubvunzo pane mumwe musangano wange wakarongwa nesangano reMass Public Opinion Insitute nemusi weChina manheriu mumwe mukuru weZACC VaSilence Pondo vakati komisheni yavo iri kutora matanho ekugadzirisa nyaya idzi kunyange zvavo vasina kujekesa matanho acho.

Ukuwo mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weChina vakataura kuDande, Mashonaland Central kuti bato ravo harisi kuzodzivirira vanenge vatadza uye nyaya dzinofanira kuenda kumatare vanenge vabatwa nemhosva vorangwa nekukandwa mujeri.

Asi mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClarence Madhuku, vanoti kutaura chete kwaVaMugabe uye hapana kana gurukota ravo rimwe chete richasungwa.

Mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanotiwo mashoko aVaMugabe akanaka chose asi muromo hauzarirwe nerwizi.

Vanoti VaMugabe vanofanira kuratidza chido chekurwisa huwori sezvavakamboita apo vakaumba Sandura Commission kuti iongorore huwori hwakaitika kukambani yehurumende yemotokari yeWillowvale.

Mutauriri webato reMDC-T VaObert Gutu vanoti zviri zvehuori hurumende yaVaMugabe ichatowana korona.

Makurukota aVaMugabe akawanda kusanganisira gurukota rezvematunhu nemadhorobha, VaSaviour Kasukuwere, gurukota rezvemukati menyika, VaIgnatius Chombo pamwe negurukota rezvemhando dzemoto, VaSamuel Undenge, vakuru vakuru vehurumende nemakambani avo vari kupomerwa mhosva dzehuwori asi hapana kana mumwe wavo akasungwa kana kuti ari kuferefetwa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG