Accessibility links

Breaking News

Vasori Vorambidza Nhengo dzeZINASU Kupinda paGungano reKupedza Zvidzidzo paGreat Zimbabwe University


Vatungamiri vatatu vesangano rinomirira vadzidzi re Zimbabwe National Students Union kana kuti ZINASU muMasvingo nemusi weChishanu vakarambidzwa kusvika pachikoro chavo chepamusoro che Great Zimbabwe University vachipomerwa mhosva yekuronga kuratidzira pamberi pemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vakapa zvitupa vadzidzi vanopfuura zviuru zviviri vakabudirira muzvidzo zvavo.

VaEphraim Mutombeni, sachigaro we Zinasu muMasvingo pamwe naVaChamunorwa Dzingirai na VaTatenda Mahova vaudza Sudio 7 kuti vakavingwa ne vasori vehurumende vakatyisidzirwa vachinzi vanoitwa kafiramberi nekunyangariswa vakanzi kvasasvike kuuniversity kwagirajuweta vamwe nekuti vainzi vakaronga kuratidzira pamberi paVaMugabe vachivabvunza kuti mabasa haasi kuwanikwa zvavapedza zvidzidzo.

Vasori vanonzi vaiti havangaregi mutungamiriri wenyika achinyadziswa sezvaakamboitwa nevamwe vatungamiriri ve Zinasu kuUniversity ye Zimbabwe ku Harare masvondo mashoma apfuura.

VaMutombeni vakapedza zvdzidzo zveIndustrial Relations, vati varwadziwa zvikuru vachitadza kuenda kunopemberera kupedza kwavo zvidzidzo nenyaya iyi.

“Zvinosuwisa zvikuru kuti tapedza makore mana tichidzidza asi kwakauya vasori kwatiri vachiti vari kuziva zvatiri kuda kuudza mukuru wenyika kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka uye kuti vatipe mabasa asi tanzi tikaita izvi pedu papera.”

VaDzingirai vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya iyi uye vari kugara mukutya sezvo vasori vakavaudza kuti vari kuvateverera pose pavanofamba kusvika gungano iri rapera.

“Zvinotirwadza kuti takatyikridzirwa zvikuru nevasori kuti tisatombosvika painoitrwa girajuwesheni nekuti vakati vanogona kutinyangarisa.”

Vadzidzi vakawanda vari kunyunyuta kuti vari kupedza nguva yakawanda vachidzidza asi vozoshya mabasa. Vazhinji vanoti vave kurarama nekutengesa zvinhu mumugwagwa.

VaMuhavo vanoti vari kurwadziwa moyo nekuti vabereki vavo vatadza kuona vachipeta zvidzidzo zvavo nekupihwa chitambi.

“ Zvinhu zvinorwadzo zvachose nekuti tinogona kuzonyimwa magwaro atakadzidza nenyaya iyi apa vabereki vedu vainetseka kutibhadharia mari vanga vakatarisira kuti purururidzira vachipembera asi izvi zvaramba nekuti takutotyira hupenyu hwedu sezvo takanzi tikangotsika tsoka dzedu kuchikoro uku tapera.”

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko paGreat Zimbabwe University VaAnderson Chipatiso varamba kutaura ne Studio 7 nezvenyaya iyi.

Vadzidzi vapinda pachikoro ichi vanga vachigirajuweta vakapinda tsekwende yekusechwa zvakasimba nemapurisa pamwe nevasori pagedhe vachitariswa kuti havana zvinyorwa here zvekuratidzira. Hatina kukwanisa kutaura nevasaro kana mapurisa nezvenyaya iyi.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG