Accessibility links

Breaking News

VaTrump naAmai Clinton Voita Gakava Ravo Rekupedzisira


VaDonald Trump naAmai Hillary Clinton
VaDonald Trump naAmai Hillary Clinton

Vari kumirira bato remaRepublicans musarudzo dzemutungamiri wenyika muAmerica VaDonald Trump nemusi weChitatu vakaramba kubuda pachena kuti vanotambira here zvichabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika dziri kuitwa musi wa 8 Mbudzi.

VaTrump vakataura mashoko aya pagakava rakaitwa pakati pavo naAmai Hillary Clinton vemaDemocrats.

Mutori wenhau weFox News Chris Wallace ndiye aikokera gakava iri, iro rakaitirwa muLas Vegas, mudunhu re Nevada, uye ndiro raive rekupedzisira.

Vanokwikwidza musarudzo dzemuAmerica vanoita magakava matatu munguva yesarudzo. VaTrump vari kuti vatori venhau uye vamwe vanobata sarudzo mumamwe matunhu emuAmerica ndivo vari kuita kuti vati sarudzo dziri kubirirwa sezvo vachiti vose ava vari kutsigira Amai Clinton.

Asi munhoroondo yemuAmerica kazhinji vanhu vanotambira zvabuda musarudzo. Parizvino ongororo dzose dziri kuitwa dziri kuratidza kuti Amai Clinton vanogona kukunda.

Asi muna 2000 VaAl Gore vemaDemocrats vakamboramba kutambira zvakabuda musarudzo mushure mekunge paita mutauro kuFlorida apo vaikwikwidzana naVaGeorge Bush.

Asi vaAl Gore vakazotambira zvakabuda musarudzo. Vakawanda vanoti zvekuramba kutambira zvabuda musarudzo zvinowanzoitwa kune dzimwe nyika dzemuAfrica dzakaita seZimbabwe.

VaTrump naAmai Clinton vakataurawo nezvenyaya dzehupfumi, magariro evanhu, vapoteri uye kudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika.

Ko chi chingadzidzwe neZimbabwe pamagakava anoitwa muAmerica? Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti nyika inokwanisa kudzidza zvakawanda zvikuru kuita sarudzo murunyararo.

Dr Chipo Dendere vanodzidzisa paGettysburg College KuPennsylvania vanoti zvaVaTrump zvekuti vanogona kuramba kutambira zvinobuda musarudzo hazvisi zvinhu zvinotarisirwa kumunhu ari kukwikwidza musarudzo dzemuAmerica.

Dr Moses Rumano vanodzidzisa paMalone University kuOhio vanoti vanovimba kuti anenge akunda musarudzo idzi achabvisa zvirango zvakatemerwa Zimbabwe kuti vehurumende yeZanu-PF vasarambe vachiti zvirango zviri kukanganisa hupfumi izvo zvisiri.

Hurukuro naDr Chipo Dendere naVaMoses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG