Accessibility links

Breaking News

USAID Yobatsira Vana Zviuru Zvitatu Vange Voziya neNzara kuManicaland


Sangano reUnited States Agency for International Development kana kuti USAID rinoti radzivirira rufu rwaigona kuitika kuvana vanodarika zviuru zvitatu kuManicaland zvichikonzerwa nekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

USAID inoti kubva muna 2010 kusvika muna 2015 yakwanisa kubatsira vana vanodarika zviuru zvitatu zvaigona kushaya zvisati zvasvika pamakore mashanu.

Amai Lucia Gumbo vanoshanda nesangano reUSAID iri vanoti zvirongwa zvavo zvakanangana nekubatsira vana amai vanoshaya muManicaland.

Vanoti vanoshanda nebazi rezvehutano uye vanowanzoona vanenge vachida kubatsirwa apo vanenge vaenda kumakirinika.

Zvinhu muZimbabwe hazvina kumira zvakanyaka zvichikonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika.

Hurukuro naAmai Lucia Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG